Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Sarudzo yeBy-Election kuGokwe-Kabuyuni Yafamba Zvakanaka, ARTUZ Ichiti Kune Varairidzi Vaifanirwa Kuvhotesa Vakadzingwa Basa


Mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana

Komisheni inotungamira sarudzo munyika, ye Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, inoti sarudzo ye by-election yanga ichiitwa kutsvaga mumiriri weGokwe-Kabuyuni muparamende yafamba zvakanaka sezvanga zvakatarisirwa.

Mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana vanoti vakwanisa kuvhura nenguva dzanga dzakatarisirwa, vachitarisirawo zvakare kuvhara nenguva dzakatarwa.

VaMangwana vanoti zvichabuda musarudzo zvinotarisirwa kuziviswa neSvondo sezvo kuine dzimwe nzvimbo dzinogona kunonoka kufambiswa kwemagwaro ekuvhotesa nekuda kwemamiriro emigwagwa.

Mugadziriro yesarudzo iyi, vatsigiri veZanu PF neCitizens’ Coalition for Change vanga vachipomerana mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Vakwikwidzana musarudzo iyi ndaVaCostain Muguti veCCC, naVaSpencer Tshuma veZanu PF. Sarudzo iyi yanga iri yekutsiva vaimbova nhengo yeparamende, VaLeonard Chikomba veZanu PF avo vakashaika mutsaona yemumugwagwa muna kubvumbi gore rino.

Kunyange hazvo ZEC iri kuti sarudzo dzafamba zvakanaka, rimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti kune varairidzi vakanga vadzidziswa neZEC basa rekuvhotesa vakadzingwa nevamwe vakuru vekomisheni iyi neChishanu manheru vachipomerwa mhosva yekuve nhengo dzebato rinopikisa reCCC.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure vanoti nyaya iyi yatove kuZEC, kunyange hazvo Mutauriri weZEC VaMnangwana vati hakuna zvakadaro zvakaitika.

VaMasaraure vanoti sesangano vave kubatsira varairidzi ava kuti vakwanise kutambira zvakaitika izvi uye kuti vaendewo kumatare vachikumbira kodzero dzavo.

Hurukuro naVaJasper Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG