Accessibility links

Breaking News

Mapato eCCC neZanu PF Otarisira Kutatsurana muSarudzo yeBy-Election kuGokwe-Kabuyunu neMugovera Ose Achitarisira kuKunda


Mapato maviri aya ari kukrwira kutora chigaro cheGokwe-Kabuyunu.

Mapato makuru anokwikwidzana munyika eCitizens’ Coalition for Change, CCC, ne Zanu PF otarisirwa kutatsurana mangwana musarudzo ye by-election mudunhu reGokwe Kabuyuni, uko kwakambovhiringwa nemhirizhonga mazuva maviri apfuuura, mapato ose achiti anotaririsa kukunda zvine mutsindo.

Vachitaura neStudio 7, vari kumirira bato re CCC musarudzo idzi VaCostain Muguti vati vanotarisira kukunda zvine mutsindo kunyange vakambokanganiswa kutsvaga rutsigiro nemhirizhonga yavanopomera Zanu PF.

VaMuguti, avo vakamboita nhengo yeparamende munzvimbo iyi mugore ra2008 vachiri kuMDC, vanopomerawo Zanu PF mhosva yekushandisa madzishe pamwe nechikafu mukukwezva vatsigiri, asi vanoti izvi hazvivatadzisi kukunda nekuti vanhu vaneta nebato riripo.

Vatsigiri veCCC vashanu vanonzi vakarophwa zvakaipisisa musi weChipiri uye mutungamiriri webato iri VaNelson Chamisa vakambovharirwa kuti vasaite musangano nevatsigiri vavo, asi vakazokwanisa kuita musangano uyu kunyange hazvo vakazongotaura nevatsigiri vashoma.

Vakazokumbirawo kuti vatsigiri vavo vauye nehuwandu hwavo kunovhota vachitsigira nhengo yavo VaMuguti mangwana kuti vapedze hudzvinyiriri hwavanoti huri kuitwa ne Zanu PF.

Asi vebato reZanu PF vanoramba kuti vakakonzera mhirizhonga iri kutaurwa ne CCC iyi, vachipomera bato rinopikisa iri mhosva yekundoita mhirizhonga kumadzishe

nekuti anotsigira vanotonga. Vari kumirira Zanu PF musarudzo iyi, VaSpencer Tshuma, varamba kutipa tarisiro yavo musarudzo yamangwana iyi vachiti havadyidzani neStudio 7.

Asi sachigaro weZanu PF kuMidlands, VaLarry Mavhima, vavimbisa vatsigiri vavo munyika kuti vachakunda mangwana nekuti vakabata basa zvakasimba panguva yekutsvaga rutsigiro.

VaMavhima varamba mashoko eCCC ekuti bato ravo riri kuita zvemhirizhonga vachiti bato rinopikisa ragara rinongochema-chema kana raona kuti rinokundwa mumakwikwi.

Izvi zvatsinhirwa nemukuru webasa mubazi rinoona nezvekufambiswa kweMashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, avo vanopomera CCC mhosva yekutanga mhirizhonga munyika vachiti vari kunanga madzishe vachivarova.

Asi mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaOstallos Gift Siziba, vanoti manyepo, vachiti Zanu PF yakatanga mhirizhonga nyika yese mumaruwa umo iri kurova vatsigiri vebato ravo senzira yekutyisidzira vanhu musarudzo dzenyika dzegore rinouya.

Mutauriri weZimbabwe Electoral Commission(ZEC), VaJasper Mangwana vati bazi ravo rakagadzirira zvakakwana kuita sarudzo mangwana.

Vati sarudzo dzinotanga nenguva dza 7 mangwanani dzichipera nenguva dza 5 zuva rodoka.

Sarudzo iyi iri kuitwa kutsiva vaimbova nhengo yeparamende, VaLeonard Chikomba, veZanu PF avo vakashaika mutsaona yemumugwagwa muna Kubvumbi gore rino.

Nyaya ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG