Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa Voshora Kukwira kweNyaya dzeMhirizhonga Yavanoti iri Kukonzerwa neZanu PF, Asi Zanu PF Inoti Manyepo


Mutungamiri weCitizens' Coalition for Change, VaNe;lson Chamisa
Mutungamiri weCitizens' Coalition for Change, VaNe;lson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, nhasi vashora kuwanda kwemhirizhonga munyika yavanoti iri kukonzerwa nebato reZanu PF vakati vari kushanda zvakasimba kuti hwaro hwesarudzo huvandudzwe sarudzo dzegore rinouya dzisati dzasvika.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, VaChamisa vati havasi kufara nemhirizhonga yavakasangana nayo kuUzumba, kuHwedza, kwaSeke pamwe nekuGokwe pavaifamba vachiita misangano nevatsigiri vavo.

VaChamisa vati havasi kufara nekurohwa kunonzi kwakaitwa vatori venhau kuGokwe-Kabuyuni nezuro nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF pamberi pemusangano wavakazoita nevatsigiri vavo. Vati vatsigiri vavo vakawanda vakakuvadzwa zvichitevera mhirizhonga yemusi weChina iyi.

Vatiwo vakazofamba netsoka kwechinhambwe kuti vakwanise kusangana nevatsigiri vavo mushure mekuvharirwa migwagwa nevatsigiri veZanu PF avo vavati vaitungamirwa negurukota rezvematunhu VaJuly Moyo.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMoyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Zvichakadaro, VaChamisa vati vakwidza nyaya yemhirizhonga iyi kusangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC, vachiti havasi kuzoita zvemhirizhonga sezvavati zviri kutarisirwa neZanu PF vachiti vanoda runyararo munyika.

Mushandi Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati nyaya dzekurwisana hadzitenderwi muZanu PF, vakati vanoona vanopikisa vari ivo vari kudzishandisa zvakanyanya.

Zvichakadaro, mutauriri wemubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu, weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vakurudzira mapurisa kuti asunge vose vari kukonzera mhirizhonga.

VaMasaraure vakurudzirawo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti iite misangano nemapato ezvematongerwo enyika senzira yekuderedza mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika apo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZEC, VaJasper Mangwana, kuti tinzwe divi rekomisheni yavo panyaya iyi.

VaChamisa vatiwo havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika panyaya dzehupfumi vakati kusabatwa zvakanaka kuri kuitwa zvizvarwa zveZimbabwe kune dzimwe nyika kunokonzerwa nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe.

Mashoko avo aya anouyawo apo chimwe chizvara cheZimbabwe chakanyadziswa nenhengo yehurumende yeSouth Africa inoona nezvehutano kudunhu reLimpopo, Dr. Phophi Ramathuba, pavhidhiyo iri kutenderara pamadandemutande chiremba ava vachiti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutsvaga kurapwa muSouth Africa zviri kuvapa basa rakawanda uye kupedza zvikwanisiro muzvipatara zvavanoti zviri kukanganisa nyaya dzekurapa zvizvarwa zvenyika yavo.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG