Accessibility links

Breaking News

ZIMRA Yopomerwa Mhosva Yekunonotsa Basa paChirundu


Vamwe vatyairi vanoti zviri nani kuenda nekuzambuko reKazungula
Vamwe vatyairi vanoti zviri nani kuenda nekuzambuko reKazungula

Vashandi ve Zimbabwe Revenue Authority –ZIMRA kuChirundu vanonzi vari kunonoka kudhindha mapepa ekuti vanotyaira marori kana kuti magonyeti vadarike zvokanganisa donzvo remushandirapamwe wakaitwa muna 2009 pakati peZimbabwe neZambia weOne Stop Border Post kuti vatyairi vasapedze mazuva vari pamuganhu uyu.

Mumwe mutyairi werori inotakura zvinhu kubva South Africa ichiendea kuCongo VaTryson Mapfeka vanoti vanowanzopedza mazuva maviri vasati vadarika pamuganhu sezvo vashandi veZIMRA vachimboti mishina yavo inenge isinganyatsoshande zvakanaka nekushaya masaisisai einternet.

VaMapfeka vanoti kambani yavanoshandira yavasina kuda kudoma nezita sezvo vasingabvumirwe kutaura vakaimirira iri kutoronga kuti vaende kuCongo nebhodha reKazungula riri pamuganhu wenyika dzinoti Zimbabwe, Botswana, Namibia neZambia.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mutyairi wegonyeti chiri chizvarwa chekuZambia VaAdam Adam avo vanoti vari kutora nguva yakareba vari paChirundu.

Kuti chirongwa cheOne Stop Border Post ichi chishanda panoda michina yechizvino zvino sezvo vashandi kunyika mbiri vachishanda pamwe chete kuti vasarambe vachidzokorora zvinhu zvimwe chete zvinozononotsa basa. Izvi zvinobatsiraw kudzikisa dambudziko rehuwori.

VaAdam vanotiwo kupinda nemuZimbabwe vakatakura zvinhu nemotokari zvinodhura sezvo vachifanirwa kubhadhara madhora mazana maviri ekuAmerica kana kuti US$200 vozobhadhara mimwe mitero yemumigwagwa kusanganisira kubhadhara mari dzekushandisa mugwagwa kana kuti maTollgates.

Hatina kunzwa divi reZIMRA sezvo mutauriri webazi iri VaMusasiyashe Kufakunesu vanga vasisadavire nharembozha yavo kunyange vanga vambovimbisa kutaura neStudio 7 nezvenyaya iyi.

Hatinawo kunzwa divi rehurumende sezvo gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaFelix Mhona vati nyaya dzine chekuita neZIMRA dzinotaurwa nebazi rezvemari. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Pakaparurwa hurongwa hutsva hweOne Stop Border Post, chinangwa chaive chekuti zvitore zuva rimwe chete kudhinda mapepa kwete mazuva matatu sezvaiitika panguva iyi.

COMESA yakabatsira mukuparurwa kwechirongwa ichi sezvo painge paine chinangwa chekusimudzira kutengeserana pakati penyika dzemuAfrica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG