Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshora VaZiyambi neMashoko Avo kuGeneva nezveGukurahundi


Gukurahundi
Gukurahundi

Sangano reNational Transitional Justice Working Group rinoti harisi kufara nemashoko ehurumende ekuti haisi kuzosunga vari kupomerwa mhosva yekuuraya nekukuvadza vanhu kuMidlands nekuMatabeleland munguva yeGukurahundi.

Izvi zvinotevera mashoko egurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kumusangano wekomiti yenyika dzepasi rose yeUnited Nations inoona nezvekubviswa kwerusaruganda kana UN Committee on the Elimination of Racial Discrimination uri kuitirwa kuGeneva kuSwitzerland.

Mutevedzeri wasachigaro weNational Transitional Justice Working Group, VaDzikamai Bere, vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti mashoko aVaZiyambi anotyora bumbiro remitemo yenyika rinopa simba rekugadzirisa nyaya dzemakakatanwa anenge ari munyika kukomisheni inoona nezvekupodzwa kwemaronda yeNational Peace and Reconciliation Commission.

Vachitaura kumusangano weUnited Nation uyu, VaZiyambi vakati hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haisi kuzosunga vanhu vari kupomerwa mhosva dzekuuraya kana kukuvadza vanhu munguva yeGukurahundi nokuti vanhu ava vakanga vakaregererwa kare munguva yehutongi hwamushakabvu VaRobert Mugabe.

VaZiyambi vakati vanhu vakapara mhosva munguva yeGukurahundi vakaregererwa mushure mekunge mapato ezvematongerwo anoti Zanu PF neZapu anyorerana chibvumirano chekubatana cheUnity Accord icho chakasainiranwa muna 1987.

VaMugabe vakozivisa kuti vakapara mhosva munguva yeGukurahundi vakanga vavaregerera kubudikidza nemuetemo weClemency Order Number 1 of 1990 wakadzikwa naivo VaMugabe.

Mashoko aVaZiyambi kumusangano weUN uyu ashorwawo nesangano reIbetshu likaZulu. Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, VaMbuso Fuzwayo, vaudza Studio 7 vari kuBulawayo kuti mutungamiri wenyika VaMnangagwa vanofanira kutsiura VaZiyambi pamusoro pemashoko avo aya.

Bato reZapu, varwi vehonndo veZIPRA nemamwe masangano akashora zvikuru VaZiyambi uye kumusangano uyu, vakuru veUnited Nations vakati kusapodzwa kwemaronda eGurukurahundi kuri kupa kuti kuyanyana kunetse munyika.

Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International Zimbabwe, Amai Lucia Masuka Zanhi, vakurudzira hurumende kuti ipe komisheni yeNPRC mukana wekuita basa rayo yakasununguka.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rasachigaro weNPRC, Justice Selo Nare, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zvichakadai, VaBere vati hama dzevakafa pamwe neavo vakakuvara munguva yeGukurahundi vanofanira kuti varipwe senzira yekugadzirisa nyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati mashoko aVaZiyambi anotyora bumbiro remitemo.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vati vanga vabatikana kuti vataure nesu nezvenyaya iyi uye gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika VaKazembe Kazembe vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Ongororo yakaitwa neCatholic Commission for Justice and Peace yakaburitsa pachena kuti vanhu vanofungidzirwa kuti vanodarika zviuru makumi maviri vakafa munguva yeGukurahundi uye vamwe vakawanda vakakuvadzwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG