Accessibility links

Breaking News

South Africa Yoferefeta Nyaya yaChiremba Ari Kupomerwa Mhosva yeKuzvidza Chizvarwa cheZimbabwe


Bazi rezvehutano muSouth Africa rinoti ratanga kuferefeta Dr Phophi Ramathuba nhengo yebazi rezvehutano mudunhu reLimpopo vari kupomerwa mhosva yekubuda pavhidhiyo vachishungurudza chizvarwa cheZimbabwe chairapwa mudunhu ravo.

Mumashoko kuvatori venhau,bazi rezvehutano rati richatanga raona vhidhiyo yacho risati ratora matanho. Asi ratiwo zvipatara zvekuSouth Africa zviri kusangana nedambudziko rezvikwanisiro zvokonzerwawo nezvizvarwa zvedzimwe nyika zviri kuenda kunorapwa munyika iyi pachena.

Rinoti iyi imwe nyaya iri kutaurwao pamisangano yeSADC. Sangano rinomirira kodzero dzevashandi vezvehutano muSouth Africa reProgressive Health Forum rati Dr Ramathuba vanofanira kutorerwa matanho nekuti vakatyora mhiko yavanachiremba pakubata varwere nekuremekedza kodzero dzavo.

Sangano revakoti reDemocratic Nurses Organization of South Africa ratiwo chiremba ava vakataura nyaya yakakosha asi vaiudza munhu asiri iye.

Vanorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reSouthern African Liaison Office, VaMunjodzi Mutandiri vati zvakaitwa zvinopawo vamwe vanhu muSouth Africa vafunge kuti zvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika ndizvo zviri kupa kuti zvinhi zviite manyama amire nerongo munyika iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG