Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Runyararo, Vanopikisa Vachiti Muromo Hauzarirwe neRwizi


Mutungamiri Wenyika VaEmmerson Mnangagwao
Mutungamiri Wenyika VaEmmerson Mnangagwao

Mutungamiri we bato re ZANU PF varizve mutungamiri we nyika, VaEmmerson Mnangagwa vakakurudzira runyararo nekubatana munyika pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pamusangano wePolitiburo yebato ravo muHarare nhasi.

Mashoko aya ari kuuya apo vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vari kuti mhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuwedzera.

VaMnangagwa vatiwo vari kufara negadziriro iri kuitwa nebato ravo pamberi peCongress iri kuitwa muna Gumiguru apo pachasarudzwa vatungamiri vatsva vebato.

Vaenderera mberi vachiti vari kufara kuti hupfumi hwenyika hwave mugwara rakanaka.

Asi Muatauriri webato rinopikisa re CCC Muzvare Fadzayi Mahere vaudzaStudio 7 kuti mashoko aVaMnangagwa kungotaurawo zvisina pundutso.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG