Accessibility links

Breaking News

South Africa Ine Kodzero yeKuramba Kurapa Zvizvarwa zveZimbabwe Zvisina Magwaro Here?


MuZimbabwe nemuSouth Africa mamuka gakava rinotyisa pamusoro pevhidhiyo iri kutenderera pamadandemutande yemumwe mukuru wezvehutano mudunhu reLimpopo kuSouth Afrca Dr Phophi Ramathuba.

Dr Ramathuba vanoonekwa vaciudza chimwe chizvarwa cheZimbabwe chainge chiri muchipatara kuti vari kushushikana nekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havana kobiri ravari kuendesa kuSouth Africa asi zvizvarwa zveZimbabwe zvichinorapwa pachena kuSouth Africa zvichisiya zvimwe zvizvarwa zveSouth Africa zvotadza kurapwa.

Bato rinopikisa muSouth Africa reEFF rati vanofanira kudzingwa basa. Asi Dr Ramathuba vabuda panhepfenyuro yeSABC vachiti hapana chavakakanganisa.

Asi mumwe anorwira kodzero dzevanhu VaMunjodzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa naDr Ramathuba hazvitarisirwe kumukuru muhurumende.

Vati zvange zvakanaka kusandisa muzinda weZimbabwe muSouth Africa kana paine zvinyunyuto pane zvavakaita.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG