Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kutanga Kudzidzisa Vana Vari kuECD nezveNational Youth Service


Amai Kirsty Coventry-Seward
Amai Kirsty Coventry-Seward

Gurukota rinoona nezvevechidiki, Amai Kirsty, Coventry-Seward vanoti hurumende ichadzora zvakare chirongwa cheNational Youth Service gore rinouya asi chichange chakasayina nechirongwa chakamiswa muna2007 icho chaitwa zvematongerwo enyika nekutyora kodzero dzevanhu.

Amai Coventry-Seward vati kunyangwe chirongwa ichi chichitora vechidiki kutanga pamakore gumi nemashanu kusvika pamakore makumi matatu nemashanu, vana vachatanga kuitiswa zvimwe zvidzidzo zveNational Youth Service kutanga paECD chaipo.

Vati izvi ndizvo zvapa kuti vashande nemapazi akaita seredzidzo yepasi neredzidzo yepamusoro.

Amai Coventry-Seward vange vachipa humbowo kukomiti yeparemende inoona nezvevechidiki nemitambo maererano nechirongwa cheNational Youth Service. Vatenda kuti chirongwa chekutanga chainge chisina kumira zvakanaka.

national youth service
national youth service

Asi vati chirongwa chitsva ichi chichatanga gore rinoouya uye vane hurongwa hwekudzidzisa vechidiki zviuru gumi pagore. Zvidzidzo zvichange zvichiitwa kwemwedzi mitanhatu.

Vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo kupinda muchirongwa ichi kusingamanikidzwe, vachapinda muchironga ichi ndivo vachatanga kupihwa mukana wekupinda mabasa muhurumende nemakambani ayo, kupihwa nzvimbo mumakoreji pamwe nemayunivhesiti pamwe nekupihwa mikana yekutanga mabhizimisi.

Vati pari zvino pane bhiri reNational Youth Service iro rine hwaro hwekuti chirongwa ichi chichafamba sei richaendeswa kuparamende kuti itenderere nenyika yese ichanzwa pfungwa dzevechidiki ,

Amai Coventry-Seward vaenderera mberi vachiti vechidiki vachange vachidziswa hunhu, bumbiro remutemo wenyika pamwe nekudzivirira huwori.

Vati kunyange hazvo chirongwa ichi chichitora vechidiki kutanga pamakore gumi nemashanu kusvika pamakore makumi matatu nemashanu, vana vachatanga kuitiswa zvimwe zvidzidzo zveNational Youth Service kutanga paECD chaipo.

Vati ndosaka vari kushanda nemapazi akaita seredzidzo yepasi neredzidzo yepamusoro.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reNational Association of Youth Organisations iro rakayonyorera kuparamende richida kuti chirongwa cheNational Youth Service chimbomira kutangwa kusvika zvainetsa muchirongwa chekutanga zvakagadziriswa, VaMacdonald Munyoro, vaudza Studio 7 kuti vafara kuti Amai Coventry-Seward vari kugadzirisa zvimwe zvinhu zvavaida kuti zvigadziriswe. Asi vati havafari nekuti chinosarura pamikana yemabasa.

Vatiwo havafari kuti chirongwa ichi ichichange chiitirwa munzvimbo dzaiitirwa chirongwa chekutanga.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri muchikama chevechidiki mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaSteven Chuma vaudzawo Studio 7 kuti zvakanaka kunzwa pfungwa dzevechidiki pachirongwa ichi.

Imwe nhengo muchikamu chevechidiki mubato riri kutonga reZanu PF, VaPeter Mutangi, vati vanofara kuti hurumende yave kudzora chirongwa ichi.

Chirongwa cheNational Youth Service chakamiswa muna 2007 mushure mekunge hurumende yashaya mari uyewo panguva iyi masangano akawanda kusanganisira United Nations, Amnesty International, Amani Trust nemamwe aicheema chema kuti vechidiki vaipinda muchirongwa ichi vaita zvematongerwo enyika uyewo vachityora kodzero dzevanhu.

Mune imwewo nyaya, Amai Coventry vati vanofara chose kuti mitambo yakawanda munyika iri kuita zvakanaka kusiya kwenhabvu iyo vati vari kugadzirisa.

Vatiwo vakatokokaa imwe kamabani yakagadzira nhandare dzekuSouth Africa pakaitwa mitambo yeWorld Cup kuti iuye kuzoona kuti Zimbabwe ingagadzirisa nhandare dzayo sei.

Asi imwe nenhengo yekomiti, iyi VaOmega Sibanda veZanu PF vanomirira Vhungu vati hurumende inofanira kutarisa zvinhu zviri kunetsa panyaya yenhabvu yozvigadzirisa vachiti vatambi, vatsigiri pamwe nemakambani anotsigira nhabvu vari kushushika zvikuru nekumiswa kwakatwa Zimbabwe neFIFA kuti isatambe nedzimwe nyika.

Asi Amai Coventry-Seward vati vari kugadzirisa nyaya iyi uye mangwana vachatura kudare mashoko pamusoro pekuti nyaya yeZIFA yavepapi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG