Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvisina Kugadzirisa Magwaro eZEP Zvotyira Kudzoserwa Kumusha Muna Zvita


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuzvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muSouth Africa sezvo hurumende yenyika iyi yave kutora matanho akaomarara ekuti izvimanikidze kudzokera kumusha, muna Zvita, kana zvisina kugadzirisa magwaro eZimbabwe Exemption Permits kana kuti ZEP.

Hurumende yeSouth Africa yaka nyorerera varidzi vemakambani munyika iyi ichivayeuchidza kuti vagumure mabasa panopera magwaro kushanda zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvisina kutsvaga mamwe magwaro matsva anozvitendera kugara nekushanda munyika iyi zviri pamutemo.

Asi zviri kudiwa nehurumende yeSouth Africa kuti munhu awane magwaro matsva zvakaomera vakawanda zvapa kuti vanhu zviuru zvitanhatu chete kana kuti 6, 000 pane vanosvika zana rezviuru nemakumi masere kana kuti 180,000 zviyedza kugadzirisa hugaro hwazvo.

Vanopihwa magwaro matsva vanenge vachifanira kunge vachikwanisa kuita mabasa asingakwanisike kuitwa nezvizvarwa zvemusouth africa uye vanoda kutanga mabhizimisi vanofanira kunge vaine mari yakawanda mumabhanga vachipinzawo vanhu mabasa.

Bato riri kutonga reANC rinotiwo zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kudzokera kumusha nekuti hapana anokwanisa kuzvidzivirira kana zvorwiswa nezvimwe zvizvarwa zvemuSouth Africa zvinoti zviri kutorerwa mabasa.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seHellen Suzman Foundation akatoendesa hurumende yeSouth Africa kumatare kuti isadzinge zvizvarwa zvezimbabwe zvine magwaro eZEP.

Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzevabvakure reAfrica dDaspora Forum, Doctor Vusimuzi Sibanda vanoti parizvino vakamirira kunzwa zvichabva kumatare emuSouth Africa mwedzi unouya pachatongwa nyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG