Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzezveHupfumi Dzowirirana neMashoko eHurumende eKuti Mapeni eGoridhe Akwanisa kuDzikamisa Hupfumi hweNyika


Gavhuna vebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Panonetsa Mangudya.

Kunyange hazvo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica sezvaonekwa pamusika wemari yekunze webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe Auction Floor, apo dhora rekuAmerica ratengeswa nemadhora emunyika mazana mashanu nemakumi maviri nerimwe, hurumende inoti chirongwa chayo chekudzikamisa hupfumi hwenyika kuburikidza nekutengeswa kwemapeni egoridhe chiri kubudirira.

Danho rekutengesa mapeni egoridhe iri, rinove rimwe rematanho ari kutorwa nehurumende, rinonzi ramanikidza musika mutema kudzikisa mutengo wedhora rekuAmerica, iro rinonzi rave nenguva riri kutengeswa nemari iri pakati pemadhora emunyika mazana manomwe kusvika kumadhora mazana manomwe nemakumi mashanu (ZWDL$700.00 to ZWDL$750.00).

Kumashoko kuvatori venhau svondo rapera, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakazivisa kuti nekuda kwematanho ari kutorwa nehurumende mitengo yezvinhu muzvitoro yambogadzikanawo sezvaita mutengo wedhora rekuAmerica pamusika mutema kubva zvatanga kutengeswa mapeni egoridhe mwedzi wapera.

Asi ndizvo zviri kuonekwawo here neveruzhinji?

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanowirirana nemaonero ehurumende aya vachiti zvinhu zviri kuratidza kuti zvagadzikana pari zvino.

Doctor Chitambara vanoti kunyange hazvo mutengo wegoridhe pamusika uchimbodzikira kana kukwira, izvi hazvinyanye kukanganisa kutengwa kwemapeni egoridhe aya nevane mari dzavo, zvikuru vane mari yemunyika.

Maonero aDoctor Chitambara aya anotsigirwawo neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, avo vanotiwo mutengo wedhora remunyika, unove ndiwo wanga uchida kudzikamiswa nehurumende, uri kubvuma kudzikamiswa kuburikidza nekutengeswa kwemapeni egoridhe aya.

Asi VaKuchera vanoti havaoni chirongwa chekudzikamisa hupfumi ichi chichizobatsira veruzhinji nekuti mitengo yezvinhu zvavanoda zuva nezuva haisi kudzikawo sezvinotarisirwa.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitaura vakazvimirira, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vane maonero akasiya nenyanzvi mbiri idzi. Muzvare Mutambarasere vanoti havawirirane nekuti mapeni egoridhe aya ari kukwanisa kudzikamisa hupfumi hwenyika sezvo zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvemapeni aya zvakatengeswa nemari yemunyika, iyo vanoti iri kuderera huremu zuva nezuva.

Muzvare Mutambasere vanoti pasi rose mutengo wegoridhe uri kukwira izvo zvinofanirwa kunge zvichitowanisa nyika mari yakawanda dai yaitengesa mapeni aya nemari yekunze.

Chimwe chezvirongwa zvehurumende zvekudzikamisa hupfumi hwenyika kukurudzirawo vezvitoro kuti vaderedze mitengo yezvinhu, zvikuru kana mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari uri kuderera sezvakaonekwa mumasvondo adarika aya.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti hadzioni izvi zvichiitika nekuda kwekuti vezvitoro vane zvakawanda zvinobatsiridza mukukwidzwa kwemitengo yezvinhu, zvinosanganisira rendi nemagetsi, pamusoro pemari dzevashandi.

Hurumende mwedzi wapera yakaparura mapeni egoridhe achitengeswa nemadhora ekuAmerica chiuru nemazana masere nemakumi maviri nemana pakuparurwa kwawo.

Asi veruzhinji vakachemachema nemutengo uyu, izvo zvakazoita kuti mwedzi uno hurumende izivise kuti muna Gumiguru ichaparure zvakare mamwe mapeni madiki anokwanisa kutengwa nemunhu wese achitengeswa nemadhora ekuAmerica zana nemakumi masere nemaviri pakuparurwa kwawo.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG