Accessibility links

Breaking News

VaWilliam Ruto Vanoti Vakagadzirira Kupikisa VaOdinga kuMatare Kwaenda Nyaya yeSarudzo


VaWillian Ruto naVaRaila Odinga
VaWillian Ruto naVaRaila Odinga

Vakakundwa musarudzo dzemutungamieri wenyika yeKenya VaRaila Odinga vakwira kumatare vachipikisa kukundwa kwavakaitwa nemututevedzeri wenyika VaWilliam Ruto musarudzo dzange dzakatariswa nenyika dzakawanda pasi rose.

VaOdinga vakaendesa mapepa kudare repamusoro soro renyika iyi reSupreme Court.

VaOdinga vakatungamira vatsigiri vavo kuenda kudare muNairobi nehumbowo hwavo hwekuti sarudzo dzainge dzabirwa. Vachitaura nevatori venhau, VaOdinga vakati painge paitwa huori hunotyisa paarudzo idzi uye vaida kuhurwisa.

Musarudzo idzi, VaRuto vakawana mavhoti mamiriyoni manomwe nezana rezviuru kana kuti 7, 1 million. VaOdinga vakwana mamiriyoni matanhatu nezviuru zvipfumbamwe kana kuti 6,9 million.

VaRuto nevakatungamira sarudzo reElectoral and Boundaries Commission (IEBC) vane mazuva mana ekupindura zvakaturwa kudare naVaOdinga. VaOdinga vakambobudirira kupikisa zvakabuda musarudzo muna 2017. Dare repamusoro soro rine mavhiki maviri ekupa mutongo waro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG