Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Votadza Kupa Mapazi eHurumende Mari Dzavakavimbisa muBhajeti


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Vanoona nezvekufambiswa emari muhurumende kana kuri Auditor-General Amai Mildered Chiri vanoti hurumende yakatadza kuita zvimwe zvirongwa zvayo muna 2021 nekuda kwekuti bazi rezvemari harina kunge rapamapazi ehurumende mari yainge iri mubhajeti.

Mugarwo ravo remashandisirwo akaitwa mari iro ravachangoburitsa, Amai Mildred Chiri, vanoti bazi rezvemari rakaburitsa mabhiriyoni makumi manomwe nemasere chete pamabhiriyoni makumi mapfumbabwe nerimwe aifanira kushandiswa nemapazi ehurumende muna 2021.

Amai Chiri vanoti izvi zvakakanganisa chose mabasa emapazi ehurumende sezvo mari inosvika mabhiriyoni gumi nemaviri isina kuendeswa kumapazi ehurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba John Manyanya, vanoti kuita kwakadai kunozvhiringa mashandira ehurumende.

Vaenderera mberi vachiti izvi ndizvo zviri kupa kuti bazi rezvemari rigare richiunetsana nenhengo dzedare reparamende vachiti zvinopa kuti vanhu vasave nechivimbo negurukota rezvemari Muzvinafundo, Mthuli Ncube.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachimirira Hatfield muNational Assembly, Dr Tapiwa Mashakada, vebato reMDC-Alliance, vati zvave kuitika zvinoreva kuti bhajeti harichina basa. Vati hupfumi hwenyika waparara nekudaro huruemende iri kutadza kunge ichiunganidza mari yekupa mapaz akasiyana siyana

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemafambisirwe emari yehurumende yePublic Accounts Committee, VaEdwim Mushoriwa veCCC vaudza Studio 7 kuti zviri kuitiki zvinokonzerwa nekudonha kwaita hupfumi hwenyika.

Vatiwo havafari kuti kana mari yacho ichinge yavepo inopihwa zvisina kuenzana vachiti izvi zvinofanira kugadziriswa.

Zvichakadai Auditor General vanotiwo havasi kufara kuti mamwe mapazi ehurumende haasikugadzirisa zvinhu zvavakati zvigadziriswe kuti basa rifambe zvakanaka.

Vanoti pazvinhu zana nemakumi mashanu zvavakati zvigadziriswe mugwaro ravo ra2020, zvikamu makumi mashanu nezvisere chete ndizvo zvakagadziriswa.

VaMashakada vati mapazi ehurumende anoramba achityora mutemo wekushandiswa kwemari yehurumende pamwe nekusateerera Auditor General haafanire kupihwa mari.

Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro wekomitti inoona nezvebhajeti Dr Mathew Nyashanu veZanu PF kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hatinawo kukwanisa kunzwa divi raVaNcube sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mugwaro ravo, Amai Chiri vanoti nyaya dzirikuramba dzichinetsa mumapazi ehurumende nemakomisheni, kusatevedzera mabhejeti, kushandisa mari zviri kunze kwemutemo wePublic Finance Management Act, kutenga zvinhu pasingatevedzwe gwara, kutadza kutevera zvikwereti pamwe nekusachengeta magwaro ekufambiswa kwebasa mumapazi aya kana kuti Accounting Records pachirungu.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachinyora mubepanhau reSunday Mail vakati mumakambani nemapazi ehurumende muri kuitwa huwori hunotyisa uye vakati vari kuita izvi vanofanira kusungwa.

Izvi zvakapa VaNcube kuti vati makambani ehurumende amire kutenga zvinhu asari ataura nebazi ravo. Asi vanopikisa vanoti vanotenda maruva vadya chakata panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG