Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Nyamavhuvhu 22, 2022.


Shona Headlines

Dare ramejastiriti roramba zvakare kupa mukana wekubvisa mari yechibatiso kumumiriri weChitungwiza West mudare reparamende VaJob Sikhala nemumiri weZengeza North VaGodfrey Sithole. Vaviri ava vakasungwa nevamwe gumi nevana musi wa 14 Chikumi nemazuva akatevera.

Hofisi yemukuru anoona nezvekufambiswa kwemari muhurumende kana kuti Auditor General inoti bazi rezvemari rakakundikana kupa mapazi ehurumende mari dzarakange ravavimbisa mubhajeti.

Muzvare Susan Mutami avo vari kupomera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mhosva yekuvabata chibharo kubva vaine makore gumi nemashanu vanoti vakokwa kumusangano weunited Nations kuti vataure kusangano rinoona nezvekodzero dzevana nemadzimai kana kuti Women and Child Abuse.

Sangano remagweta rinoona nezvemashandiro edare reparamende reVeritas rinoti zvimwe zviri kuda kuitwa nehurumende mubhiri reNational Security Bill zvinotyora bumbiro remitemo.

Zimbabwe Election Support Network yoshora mari dzakatarwa neZimbabwe Electoral Commission kuti vanhu vakwikwidze musarudzo uye dziri kunzi vari kuda kukwikwida musarudzo vabhadhare.

Vakakundwa musarudzo dzemutungamiri wenyika yeKenya VaRaila Odinga voendesa mapepa kudare repamusoro soro vachipikisa kkundwa kwavakaitwa naVaWillia Ruto.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8 pm, tiri kutarisa nyaya yemari dzakanzi neZimbabwe Electoral Comission dzichabhadharwa nevanoda kukwikwidza musarudzo dziri kunze nevamwe vanopikisa dzakawandisa asi ZEC ichiti hapana chakaipa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG