Accessibility links

Breaking News

ZEC Yoendeswa kuMatare neKudharisa Zviuru Makumi Maviri zveMadhora (US$20, 000) Vanoda Kupinda Musarudzo dzeMutungamiri weNyika


Zimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR yazivisa padandemutamde reTwitter kuti iri kuenda kumatare kunopikisa mari dzakanzi neZimbabwe Electoral Commission dzibhadharwe nevanoda kupinda musarudzo vabhadhare.

ZLHR inoti pane mumwe munhu akumbira kuti imumirire panyaya iyi achiti zviri kuitwa neZEC kutyora bumbiro remitemo

Munhu anenge achida kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika anonzi abhadhare mari inosvika madhora zviuru makumi maviri ekuAmerica kana kutiUS$20 000 kubva pachiuru chimwe chete chemadhora kana kuti US$1000. Zimbawe Lawyers for Human Rights inoti uku kutyora bumbiro remitemo sezvo zvave kupa kuti vapfumi chete vakwikwidze musarudzo.

Mumwe ari kunyunyuta nemari idzi mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vaudza Studio 7 kuti izvi zvakangofanana nezvaiitwa munguva yeRhodesia vanhu pavainzi varatidze hupfumi hwavo vasati vakwikwidza senzira yekusarura vatema.

VaMadhuku vati havaone mari izi dzichibhadharwa asi vakati ZEC ikaramba yakatsika madziro vachaendawo kumatare. Hatina kukwanisa kunzwa divi reZEC sezvo sachigaro wesangano iri Amai Priscilla Chigumba vange vasati vapindura mubvunzo wedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG