Mumiriri weZaka East mudare reparamende VaClemence Chiduwa vari kukurudzira vagari vemudunhu iri kuti vamhangare kubazi rezve mhuka re National Wildlife kana vaching vawona mhuka dzesango dzinokwanisa kuzovaruma kana kuuraya.
VaChiduwa vataura izvi mushure mekunge mhuri yekwaMaroyi mumusha waMapfumo kuZaka yarumwa nemapera mukupera kwemwedzi wapera. Vakarumwa vanoti Rwatinga Maroyi, Robert Maroyi uye Amai Muchanyara Maroyi.
VaChiduwa parizvino mhuri iyi iri kushungurudzika nekudhura kuri kuita kurapwa kwavo kuMasvingo General Hospital, sezvo vane mhuri ine vana vadiki vanoda zvakare kuchengetwa.
VaChiduwa vanoti kunyangwe hazvo hurumende, vemachechi, masangano akazvimirira neveruzhinji vari kuyedza kubatsira rubatsiro urwu rwunoda kuwedzerwa.
Facebook Forum