Accessibility links

Breaking News

VaWadyajena Vobuditswa Mutirongo, Asi VaSikhala, VaSithole neVamwe veCCC Vachivharirwa neMhondi kuChikurubi


VaJob Sikhala

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change riri kuchema chema kuti mutemo wemunyika unotarisa kuti wabuida mumba maani sezvo nhengo dzaro dziri kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nekuendeswa kumatare kasingapere kunyangwe nhengo dzeZanu-PF dzichibatwa zvakasiyana zvisinei nemhosva yadzapara.

Kusungwa kwenhengo dzeparamende nhatu, mbiri dzeCCC neimwe chete kubva kuZanu-PF kuri kunzi kwaburitsa pachena kuti mutemo wakarerekera divi rimwe chete. Asi hurumende inoti mutemo hausarure kuti uri webato ripi.

Pane vamiriri vedare reparamende vakasungwa pane veCitizens Coalition for Change vaviri VaJob Sikhala Zengeza West uye VaGodfrey Sithole, Chitungwiza North. VaSikhala vakasungwa musi wa 14 Chikumi vamwe vebato iri vachizosungwa mazuva akatevera asi kusvika parizvino havasati vapihwa mukana wekubisa mari yechibatiso nematare edzimhosva.

Asi mumiriri weGokwe Nembudziya VaJustice Mayor Wadyajena vari kupomerwa mhosva dzehuori dzemari inosvika mamiriyoni mashanu ekuAmerica vakasungwa nemusi weChipiri vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiro nezuro.

Vachitaura nevatori venhau pamusangano wavakaita muHarare nezuro, mutauriri weCCC Muzvare Fadzayi Mahere vakati nhengo dzebato ravo kunyangwe vanofungidzirwa kuti ndevebato ravo havapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso vakasungwa.

VaWadyajena, vakamiswa pamberi pedare nevamwe vakuru vekukambani yeCotton Company of Zimbabwe (Cottco) vanoti , VaPious Manamike, Va Maxmore Njanji, Fortunate Molai pamwe na Chiedza Danha, mukuru wekambani yePierpont Moncroix Mauritius. Vashanu ava vanopomerwa mhosva yekuita zvehuori nekubira kambani yeCottco.


Vachipa mutongo wavo mutongi VaStanford Mambanje vakati VaWadyajena nevamwe vavo vabhadhare mari yechibatiso zviuru mazana maviri zvemadhora emunyika kana kuti ZWL 200, 000. Vashanu ava vakanziwo vasavhiringidza vafakazi, vaise magwaro avo ekufambisa kudare pamwe nemapepa edzimba( title deeds). Vanzi vadzoke kudare redzimhosva musiwa 8Gunyana.

Kunyangwe VaWadyajena vaiuya kudare vasina cheni, VaSikhala naVaSithole vanounzwa kudare vakaiswa cheni mumaoko nengetani mumakumbo. VaSikhala nevamwe gumi nevashanu veCCC vakasungwa vachinzi vainge vapesvedzera mhirizhonga kuNyatsime pakapondwa nhengo yebato ravo Muzvare Moreblessing AIi

Kunyangwe vatsigiri veZanu-PF vakabuda pamavhidhiyo vachipesvedzera mhirizhonga, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakaudza Studio 7 kut hakuna ainge amhan’ara. Asi VaSikhala vakati vakamhan’ara asi mapurisa akaramba kutora matanho.

Muzvare Mahere vatiwo kushungurudzwa kurikuitwa nhengo dzavo inzira yebato reZanu PF yekutyityidzira veruzhinji kuti vasatsigira bato ravo. Vatiwo izvi hazvisi kuzoitika vachiti veruzhinji vave kuda shanduko nekuti vaneta nekunonga svosve nemuromo.

Muzvare Mahere vati vacharamba vachitaura pese panotyorwa bumbiro remitemo yenyika uye vakatonyorera kusangano reSADC.

Vachipindura, mumwe mukuru mubato revechidiki muZanu PF vaTaurai Kandishaya vati mutemo haurerekere divi.

Asi mutauriri wesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaKumbirai vanoti munhu wese anekodzero yekutongwa achibva kumba sezviri mumbumbiro remitemo yenyika

Sangano reZLHR rakatonyora tsamba kune vanochengetedza majeri richinyunyuta nekutyorwa kwekodzero dzaVaSikhala naVaSithole vari mujeri sezvo vari kuchengetwa mujeri rine vakatongerwa rufu uye vachiiswa ngetani kana paine vanenge vauya kuzovaona.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG