Accessibility links

Breaking News

SADC Yoshora America Ichiti Haidi Kumanikidzwa Kutora Divi paKurwiswa kweUkraine neRussia


VaPutin, VaZelenskyy naVaBiden
VaPutin, VaZelenskyy naVaBiden

Vatungamiri venyika dziri muuSADC vapeta musangano wavo wechimakumi mana nemaviri kana kuti 42nd summit kuDRC nemusi weChina.

Pane zvimwe zvisungo zvesangano iri, SADC yakashorawo kwainoti kuda kutemerwa zvirango kwenyika dzemuAfrica nedare reHouse of Representatives remuAmerica kuburikidza nemutemo wakanangana nevanodyidzana neRussia kana kuti “Countering Malign Russian Activities in Africa Act”. SADC yakati haisi kuzotora divi panyaya yekunetsana kweRussia neAmerica.

Asi vachipa pfungwa dzavo, mukuru munyaya dzezvekufambiswa kwemabaaa musangano reSouthern African Liaison Office VaMunjodzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti SADC inofanira kutsvaga nzira dzekubatsira kupedza hondo iyi kwete kungoti haitori divi.

SADC yakazeyawo nyaya dzezvemamiriro ekunze nekuendeswa kwevamwe vanhu muhutapwa kana kuti human trafficking

Musangano uyu wakasarudza mutungamiri wenyika yeDRC VaAntoine Tshisekedi Tshilombo kuti vave sachigaro mutsva asi Havana kutaura kuti gore rinouya ndiyani achatora chigaro ichi kunova kuchaitwa musangano mukuru wepagore.

Mutungamiri wenyika yeAngola VaJoão Manuel Gonçalves Lourenço ndivo vakasarudzwa kuva mutevedzeri waVaTshilombo. Mutungamiri wenyika yeNamibia VaHage G. Geingob ndivo vakasarudzwa kuva sachigar weSADC Organ on Politics, Defence and Security Cooperation uye mutungamiri wenyika yeZambia VaHakainde Hichilema ndivo vanenge vachivatevedzera. Musangano uyu wakazeya nyaya dzekugadzikana kwedunhu munguva yeCovid-19.

Nyaya yekusagadzikana kuLesotho ikati paumbwe dare revakweguri kana kuti SADC Panel of Elders kunobatsira nyika iyi. Vaimbova mutungamiri weTanzania VaJakaya Mrisho Kikwete vakasarudzwa kuva sachigaro wePanel of Elders vachitevedzerwa naVaParamasivum Pillay B. VYAPOORY vaimbova mutungamiri weMauritius.

Nyaya yemamiriro ezvinhu kuCabo Delgado Province kuMozambique yakazeyiwawo. SADC yakati mauto ayo mapfumbamwe aibatsira Mozambique kurwisa vanopfurikidza mwero akaurayiwa.

Sangano iri rakati riri kushushikana nemamiriro aita zvinhu muDRC akati achakwidza nyaya iyi kuUnited Nations kuti izeyiwe kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly kuNew Yorkmwedzi unouya.

SADC yakazeyawo nyaya yekusagadzikana muEswatini ikati nyaya iyi izeyiwe neTroika. Gungano iri rakati riri kufara neuto idzva rekurwisa matororo reSADC Regional Counter-Terrorism Centre (SADC-RCTC) riri mu Tanzania.

Gungano iri rakatenda Zambia nekuita sarudzo dzakachena ikati inotarisira zvimwe chetezvo kuAngola neLesotho mwedzi uno.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG