Accessibility links

Breaking News

World Bank Inoti Zimbabwe Imwe Nyika Inodhura Zvekudya Zvakanyanya


Bhanga repasi rose reWorld Bank rinoti Zimbabwe iri pakati penyika gumi pasi rose dziri kunyanya kudhura chikafu zvichiwedzerwa nehondo iri pakati peRussia neUkraine.

Zimbabwe iri kutevera Lebanon iyo iri kutungamira nyika gumi idzi. Dzimwe nyika dzadomwa neWorld Bank kunzi dziri kudhura kutenga chikafu dzinoti Venezuela, Turkey, Sri Lanka, Iran, Argentina, Suriname, Ethiopia neMoldova.

Bhanga reWorld Bank rati kukwira kwemitengo yechikafu munyika idzi kusangansira Zimbabwe kwaita kuti vanhu vakawanda vatarisane nenzara pamwe nekushaya hutano hwakanaka. Wordl Bank inotiwo kukwira kwemitengo kuri kuwedzerwawo nehondo iri muUkraine pakati peRussia naiyo Ukraine, kunonoka kufamba kwengarava dzinotakura zvinhu pamwe nekusamira zvakanaka kwezvinhu munezvehupfumi munyika dzichiri kusimukira kuri kukonzerwa nedenda reCovid 19.

Mutungamiri wesangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, Muzvare Florence Taruvinga, vaudza Studio 7 kuti zvataurwa neWorld Bank zvinoburitsawo pachena kuomerwa kunobva kwaita vashandi munyika sezvo vari kutambiriswa mari shoma zviri kuita kuti vadye nhoko dzezvironda.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi avo vaimboshanda sechipangamazano mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vati kusagadzikana kwehuremu hwemari yemunyika zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica ndiko kumwe kuri kukonzerawo kuti zvinhu zviite mhidigari munyaya dzezvehupfumi.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vati nyaya dzematongerwo enyika pamwe nehupfumi zvinoda kugadziriswa kuitira kuti veruzhinji vasanhonge svosve nemuromo.

Nyanzvi munyaya dzezvemtongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati minda yakatorerwa varimi vechichena iri kurarira zviri kukonzera kuti chikafu chiite chishoma zviri kuzoitawo kuti chikafu chikwidzwe mitengo.

Zvichakadai, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti hurumende yavo iri kutora matanho akasimba kuedza kuvandudza hupfumi hwenyika kuburikidza nekurima chikafu chinokwanira nyika. Vachinyora mubepanhau reSunday Mail mavhiki mashoma adarika, VaMnangagwa vakati hurumende ichashanda zvakasimba kuti irime gorosi rakawanda senzira yekuderedza huwandu hwegorosi ranga richitengwa neZimbabwe kuRussia nekuUkraine uko kusina kugadzikana parizvino.

Bhanga reWorld Bank rinotiwo riri kuisa parutivi mari inoita mabhiriyoni makumi matatu emadhora ekuAmerica, $30 billion, kurwisana nedambudziko renzara, uye kusimbaradza nyaya dzekurima, kudya kunovaka muviri, kuwaniswa kwemvura pamwe nemadiridziro munyika dzakatarisana nekushayikwa kwechikafu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG