Accessibility links

Breaking News

ZINWA Yoda Kusvika Mwedzi Isina Kuwanisa Vagari vekwaGutu neBikita Mvura


.
.

Vagari vekwa Mpandawana neNyika Growth Points kwaGutu nekuBikita vave kutyira hutano hwavo mushure mekupedza masvondo matatu vasina mvura mudzimba zvoita kuti vashandise mvura dzemumatsime nenzizi idzo dzisina kuchena.

Vachitaura neStudio 7 vagari vekwaGutu vanoti vave nemasvondo matatu vasina mvura mudzimba mushure mekunge Zinwa inofanira kuvapa mvura yazivisa kuti michina yekupomba mvura kuendesa kuvagari yange isiri kushanda.

Zinwa yakadzimkirwawo magesti nekambani yeZESA mushure mekutadza kubhadhara zvikwereti zvabva zvawedzera dambudziko rekufa kwepombi iri.

Mukuru webasa musangano rinoona nezvekodzero dzevagari reGutu United Residents and Rate Payers Association(GURRA), VaLloyd Mufudze vati zvinhu zvikaramba zvakadai vanhu vanofa nezvirwere.
Mumwe mugari wekwa Nyika, Muzvare Berlina Sithole, vanoti chinovarwadza ndechekuti ivo vari kubhadhara mari kuZinwa asi iyo isingabhadhari magetsi.

Mutauriri wesangano revagari reBikita Residents and Rate Payers Association (BIRRA), VaMark Mutengani, vati ivo zviri kuitwa ne ZINWA kutyora kodzero dzavagari.

Mutauriiri weZINWA munyika Amai Marjorie Munyonga avo vati vange vari mumusangano vavimbisa kutipa divi reZINWA panyaya iyi asi havana kuzodaro sezvo vange vasisadaire nhare yavo kana kupindura mibvunzo yavatumirwa neStudio 7.
Vamiriri vevagari muBikita nekwaGutu vakurudzira hurumende kuti idzosere makanzuru ekumaruwa basa rekupa vagari mvura sekumadhorobha.

VaMufudze vanoti kupa makanzuru masimba ekupa vagari mvura kunoita kuti chirongwa chekuendesa masimba kumatunhu kana kuyi cdevolution chibudirire uye vagari vanokwanisa kutaura nemakanzera avo zvakana kana paita matambudziko akadai.

Izvi zvatsinhirwa naVaMutengani avo vati ZINWA iri kukundikana kuita basa nemazvo sezvo isisina mahofisi mumatunhu ichitatarika kupa vanhu mvura.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG