Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuCalifornia, America VaAnesu Manjengwa vanoti vakatanga chirongwa chekuti vanhu vakwanise kubhadharira hama dzavo mari dzemedical aid vari kunze kwenyika kuti vawane kurapwa kumusha pasina zvipingaidzo.
VaManjengwa vanoti vakabatana nemakambani maviri ari kumusha anoti Bonvie medical aid neVivat clinics muchirongwa ichi icho vanoti chicha batsira vazhinji panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muzvipatara.
Vanoti chirongwa ichi chimwe chezvirongwa zvavari kuita kumusha sezvo vaine chimwe chavanobatsira vanhu kutengera hama chikafu padandemutande pasi pekambani inonzi sadza.com. Kambani itsva iri padandemutande iri zvekare.
"Chido chedu ndechekuti hama nevabereki vari kumusha vawane rubatsiro kuzvipatara zvirwere zvisati zvakomba sezvo vanenge vawana rubatsiro kubva kunze kwenyika kana vanhu vavatengera medical aid pasi pechirongwa chedu kana chikafu." VaManjengwa vaudza Studio 7.
Facebook Forum