Accessibility links

Breaking News

Imwe Nhengo yeKomisheni yeSarudzo muKenya Yopondwa Ukuwo VaOdinga Vachiramba Kutambira Zvakabuda Musarudzo


VaRaila Odinga
VaRaila Odinga

Vakakundwa musarudzo dzekuKenya VaRaila Odinga varamba kutambira zvakabuda musarudzo dzakakundwa naVaWilliam Ruto.

VaOdinga vaudza vatori venhau kuti havana kufara nekufambiswa kwakaitwa sarudzo nekomisheni yeIndependent Electoral and Boundaries Commission.

Nhengo ina panomwe dzekomisheni iyi dzakti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka. Mapurisa emuKenya ati mumwe komishina VaDaniel Musyoka vakawanikwa vakapondwa mushure mekupambwa nemusi weChina.

Sachigaro IEBC iyi VaWafuli Chebukati vati nhengo dzekomisheni yavo dziri kushiungurudzwa zvakanayanya. VaOdinga vane mazuva manomwe ekuti vaende kumatare kunopikisa zvakabuda musarudzo.

Asi kunyangwe pachine mutauro pakufambiswa kwesarudzo, mutungamiri wenyikaVaEmmerson Mnangagwa vakatotumira mashoko ekukorokotedza VaRuto nekukunda musarudzo.

Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly vari nyanzvi munyaya dzezvemitemo Muzvinafundo Lovemore Madhuku vati bumbiro remutemo weKenya rinobvumidza VaOdinga kupikisa zvakabuda musarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG