Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Rorasa Chikumbiro ChaVaSikhala Chekuti Vabhadhare Mari yeChibatiso, Repasi Richimira Kupa Mutongo


VaJob Sikhala

Nhasi matare maviri anoti ramejastiriri nedare repamusoro ange achinzwa zvikumbiro zvemumiriri weZengeza West mudare reparamemde VaJob Sikhala zvekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva dzavari kupomerwa.

Dare reHigh Court raramba kutambira chikumbiro chaVaSikhala chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso panyaya yavari kupomerwa yekuti vaida kukanganisa mapurisa kuferefeta nyaya yekupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali nhengo yebato ravo reCitizens Coalition for Change.

Rimwe gweta raVaSikhala Amai Beatrice Mtetwa vanove nhengo yesangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights ndivo vange vachimiririra VaSikhala.

Rimwe gweta riri muchikwata chinomirira VaSikhala vachishanda nesangano reZLHR zvekare VaJeremiah Bamu vati vamirira VaSikhala kudare ramejastiriti uko mutongo wasendekwa parutivi.

Masangano emagweta anorwira kodzero dzevanhu pasi rose ari kushora kusungwa kwaVaSikhala, mumiriri weChitungwiza West VaGodfrey Sithole nevamwe vasingapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG