Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Nyamavhuvhu 16, 2022


Shona Headlines

Mutongi wedare repamusoro reHigh Court Amai Sylvia Chirau Mugomba varamba kutambira chikumbiro chemumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso panyaya yavari kupomerwa yekuti vaida kukanganisa mapurisa kuferefeta nyaya yekupondwa kwaMuzvare More Blessing Ali, nhengo yebato ravo reCitizens Coalition for Change.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasimuka nhasi vakananga kuDRC kumusangano wechimakumi mana nemaviri kana kuti 42nd Ordinary Summit of the Southern African Development Community. Vatungamiri venyika gumi nematanhatu vari kutarisirwa kumusangano uyu.

Vakakundwa musarudzo dzekuKenya VaRaila Odinga voramba kutambira zvakabuda musarudzo dzekuKenya dzakakundwa naVaWilliam Ruto.

Kunyangwe hazvo vakakundwa musarudzo kuKenya VaRaila Odinga vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vange vatotumira mashoko ekukorokotedza VaWilliam Ruto.

Tichataura nenyanzvi dzezvehupfumi nenyaya yekutengeswa kuri kuitwa mari dzemasendi egoridhe kana kuti gold coins tichizeya kuti angabatsire here kudzikamisa dhora remunyika.

Muchirongwa chedu cheLive Talk, The Connection na 8 pm nhasi, tiri kuita hurukuro nevechidiki nezvesarudzo dzekuKenya uye kurudziro yekuti vechidiki munyika vanyorese kuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG