Accessibility links

Breaking News

VaRuto Vokunda Sarudzo dzekuKenya VaOdinga Vachitarisirwa Kupikisa


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto ndivo vakakunda musarudzo dzemuKenya kunyangwe painge paine kukwikwidzana kwakasimba naVaRaila Odinga. Vanhu vashanu ndivo vakakwikwidzana chigaro chemutungamiri wenyika.

VaRuto vakawana mavhoti anodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvinodiwa kukunda musarudzo kana kuti 50.49%. VaOdinga vakawana mavhoti zvikamu makumi mana nemasere kubva muzana kana kuti 48.85%.

Asi pakaita mutauro pakuziviswa kwezvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika sezvo vamwe vari mmukomisheni inoona nezvesarudzo yeIndependent Electoral and Boundaries Comission vana pavanomwe vakati vange vasiri kutambira zvainge zvabuda musarudzo idzi.

VaOdinga vainge vasiriwo panzvimbio yakaziviswa zvakabuda musarudzo uye vamwe vatsigiri vavo vakabva vatanga kuratidzira. Pari kufungidzirwa kuti VaOdinga vachaenda kumatare kunopikisa zvakabuda musarudzo.

Vanenge vasina kutambira zvinenge zvabuda musarudzo vane mazuva manomwe ekuzvipikisa kumatare. Vachitaura mushure mekukunda, VaRuto vakatenda vanhu vemuKenya vakavhota vachitiwo havasi kuzotsiva kune vasina kuda kuvatsigira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG