Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Ropomera Zanu PF Mhosva yeKushandisa Mapurisa Kurambidza Misangano Yaro, Zanu PF Ichiti Haineyi neMashandiro eMapurisa


Mapurisa ari kupomerwa mhosva yekurambidza misangano yebato reCCC.

Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change rinoti bato riri kutonga reZanu PF, riri kuramba richirambidza misangano yaro, izvo zvarinoti zviri kutyora kodzero yarinopiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Kunyunyuta kweCCC uku kunotevera kunyimwa mvumo kwakaitwa bato rinopikisa iri nemapurisa kuita musangano waro panzvimbo yemabhizimusi yeKondo Business Centre kuChipinge, mapurisa achiti bato iri harina kuzadzisa zvinodiwa nemutemo weMOPA.

Chimwe chikonzero chinonzi chataurwa nemapurisa ndechekuti pedyo nepanga pachida kuitirwa musangano neCCC paMusapingura Primary School pane rimwe bato risina kudomwa nezita ranga richiitawo musangano waro, izvo zvanzi nemapurisa atyira kuti nhengo dzeCCC dzaizokonzera mhirizhonga sezvadzinonzi dzakamboita kuMiddle Sabi.

Asi CCC iri kuendera mberi nemumwe musangano wayo kuMasvingo, uko mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, vari kutarisirwa kutaura.

Hatina kukwanisa kubata Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaOstalos Gift Siziba, vanoti Zanu PF iri kushandisa mapurisa kuvarambidza kuita misangano yavo nekutya mbiri iri kuwanikwa nebato ravo, zvikuru kumaruwa.

Asi mushandi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko mubato rebato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vanoti manyepo kuti vari kurambidza misangano yeCCC, vachiti bato rinopikisa iri rinoratidza kuti rapererwa.

Hurukuro naVaOstalos Gift Siziba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG