Kuverengwa kwemavhoti ezvakabuda musarudzo dzekutsvaga mutungamiri mutsva wenyika yeKenya kwapinda muzuva retatu sangano rinowona nezvesarudzo reIndependent Electoral and Boundaries Commission (IEBC) risati razivisa kuti ndiani akunda.
VaWilliam Ruto naVaRaila Odinga ndivo vari kutatsurana mumakwikwi asati azivikanwa kuti achakunda ndeupi aya.
Sachigaro vebato reJubilee party raVaKenyatta nhasi yazivisa kuti pangangove nekubiridzirwa kwesarudzo izvo zvinonzi zvingangotadzisa kuverengwa kwemavhoti kwaksununguka munyika iyi.
Sangano reIEBC riri kurambidza vatori venhau nemakambani avo kuti vadome ari kukunda musarudzo idzi.
Mutungamiri wesangano reZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, avo vakanga vari kuKenya, vanoti vakakokwa nesangano re Zimbabwe Elections Support Network (ZESN) kuti vaende kunowongorora sarudzo idzi.
Vanoti Zimbabwe inogona kudzidza zvakawanda kubva kuKenya panyaya yekufambiswa kwesarudzo.
Facebook Forum