Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vovimbisa Kuti Hurumende Yavo Iri kuGadzirisa Matambudziko Akanangana neZvehupfumi


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati hurumende yavo haisi kuzosiya vezvitoro vachitara mitengo inobira veruzhinji uye vachaona kuti madiro ajojina ari kuitika mune zvehufumi amiswa.

Vachitaura pakuvhura zviri pamutemo musangano wezvebudiriro yehupfumi, weZimbabwe Economic Development Conference 2022 vanga uri kuVictoria Falls, VaMnangagwa vatiwo hurumende yavo ichadzika matanho achavedzera chivimbo muboka rezvehupfumi.

VaMnangagwa vapindawo musangano wevatongi vematare edzimhosva weRegional Judicial Services Conference uri kuitirwa kwakare kuVictoria Falls kuti zvirongwa zvehurumende yavo zvakanangana nekuvhurwa kwemabhimusi matsva nekuwedzera zvigadzirwa nekutengeserana, zvinofanirwa kuwedzerwa kuburikidza nekusimbiswa kwemitemo yeCompetition Act neConsumer Protection Act.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti misangano iyi yakanaka chose, asi inofanirwawo kunge ichipindwa nevose vane chekuita nebandiko remabhizimusi kuitira kugadzirisa matambudziko aripo.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG