Accessibility links

Breaking News

Munyori weMabhuku Ane Mukurumbira, Salman Rushdie, Uyo Akanyora "The Satanic Verses," Anobaiwa neBanga muNew York


Munyori wemabhuku Salman Rushdie, uyo akanyora bhukuru rakakonzera mutauro rinonzi The Satanic Verses.

Mapurisa emuNew York azivisa kuti munyori wemabhuku ane mukurumbira, Salman Rushdie, uyo akanyora bhuku rakakonzeresa muchokoto wakanyanya, "The Satanic Verses", abayiwa nebanga pahuro apo anga ari kutaura pane mumwe musangano mudunhu reNew York, muAmerica mangwanani eChishanu.

Sangano reNhau reAssociated Press, rinoti Rushdie amhanyiswa kuchipatara ari muchikopokopo, uye gavhuna vedunhu reNew York, Amai Kathy Hochul vati mupenyu, vachipa kutenda kune mumwe mupurisa avanoti abatsira nekuponesa hupenyu hwake.

Rushdie, uyo ave nenguva achitarisana nenjodzi yekuda kuurayiwa, anonzi anga ave kuda kutanga kutaura pachikoro chepamusorosoro che Chautauqua Institution muChautauqua apo mumwe murume amhanyira pasiteji panga pamira munyori uyu kuti atange kutaura achibva amubaya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG