Accessibility links

Breaking News

VezveNhau Vosangana muKadoma Kuzeya Nzira Dzinobatsira muKuumbwa kweBhiri Rinobata Mashandiro eVatapi veNhau, reMedia Practitioners' Bill


JVatori venhau vachizeya nezvebhiri reZimbabweMedia Practitioners' Bill

Vezvekutapwa nekuburitswa kwenhau pamwe nevamwe muhurumende vari kusangana muKadoma kumusangano uri pamusoro pekutsvaga nzira dzinobatsira mukuumbwa kwebhiri rakanangana nemashandiro evatapi venhau, reZimbabwe Media Practitioners Bill.

Musangano wemazuva maviri uyu waparurwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa.

Vamwe vari kupinda musangano uyu magweta, makomishina anobva kuZimbabwe Media Commission, vekuhofisi yegweta guru renyika raAttorney General, veMISA, veparamende pamwe nevekubazi rezvekuburitswa kwemashoko.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, avo varikowo kuKadoma, vanoti musangano uyu chirongwa chakatangwa nemutungamiri wenyika che Media Law Reform Program, mushure mekubviswa kweAIPPA.

VaParadza vanoti bhiri iri riri kuitwa nevese vane chekuita nekutorwa kwenhau, vachiti hurumende chayo kungorefura chete, vachiti chichabuda kumusangano wekuKadoma uyu ndicho chichafambwa nacho kunopinda muparamende.

Mumwe wevari kumusangano uyu mukuru anoona nezvemafambisirwo emabasa musangano reMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, avo vanotiwo pane kubvumirana kukuru pamusangano uyu kuti basa iri riitwe mubatapamwe.

Hurukuro naVaNigel Nyamutumbu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG