Accessibility links

Breaking News

Muzvare Rushwaya Vochenurwa neDare paNyaya yeKuda Kupa Musori Chiokomuhomwe


Henriatta Rushwaya
Henriatta Rushwaya

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Miners Federation Muzvare Henrietta Rushwaya vanzi nedare ramejastiriti havana mhosva panyaya yavange vachipomerwa yekuda kupa vasori panhandare eendege yeRobert Mugabe International Airport muHarare mari yechikomuhomwe.

Izvi zvakatevera kusungwa kwavainge vaitwa muna 2020 mushure mekuwanikwa vaine goridhe remari inosvika zviuru mazana matatu zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$300 000 uye vakanzi vaida kupa musori uyu mari yechiokomuhomwe inosvika zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica kana ktui US$5000. Mutongi VaLearnmore mapiye vati vachuchusi vehurumende havana kunyatsopa dare huchapupu hunosungirira Muzvare Rushwaya

Muzvare Rushwaya vachiri mumatare nemhosva yavari kupomewa yekuda kubuda nemakirogiramu matanhatu egoridhe zvisiri pamutemo. Havana kupindura mubvunzio watavatumira paWhatsApp tichida kunzwa nezvekuchenurwa kwavaitwa nedare.

Asi vachipawo pfungwa dzavo, mukuru wesangano reCentre for natural Resource Governance VaFarai Maguwu vaudza Studio 7 kuti izvi hazvina kuvashamisa uye zvinotoodza moyo yemapurisa nevamwe vanenge vachishanda kuti nyika isarasikirwe nemari kuburikidza nenyaya dzehouri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG