Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 11, 2022


Shona Headlines

Vanhu vemuKenya vachiri vakamirira zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzichiri mangange chaiwo pakati paVaWilliam Ruto naVaRaila Odinga. Tiri kutaura nevamwe vemunyika vange vachiongorora sarudzo idzi.

Muzvare Henrietta Rushwaya vanonzi nedare havana mhosva panyaya yavange vachipomerwa yekuti vaida kupa chiokomuhomwe vamwe vasori panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe pavakasungwa vachinzi vaida kubuda negoridhe munyika zvisiri pamutemo.

Reserve Bank of Zimbabwe inonzi iri kuzeya nyaya yekuti iumbe bhodhi rakazvimirira rinenge richitarisa nyaya dzemari kana kuti Currency Board kuyedza kusimbaradza dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko riri kuita musangano nevatori venhau kuKadoma nhasi kuzeya mutemo unobata mashandiro evatori venhau kana kuti Media Practioners Bill.

Sachigaro wesangano reZimbabwe National Liberation war Veterans Association VaChris Mutsvangwa vanoti mushure mekupihwa chiremerera chekuva magamba kune vashakabvu Ndababingi Sithole, James Chikerema vevamwe, zvasarira kumhuri dzavo kuti dzinoda kuti vafukunurwe vavigwe kuHeroes Acre here.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Womens Round Table na 8 pm nhasi, tiri kutarisa nezvesarudzo dzekuKenya uko kusina mudzimai akakwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika asi paine vatatu vakakwikwidza kuva vatevedzeri vemutungamiri wenyika. Tichataurawo nezvevamwe verudzi rweChishona vakavhota kekutanga musarudzo idzi mushure mekutamira kunyika iyi makore makumi mashanu adarika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG