Accessibility links

Breaking News

Vanoongorora zveMatongerwo eNyika Vozeya Kupiwa kwaVaSithole naVaChikerema Ruremekedzo rweGamba reNyika naVaMnangagwa


Reverend Ndabaningi Sithole
Reverend Ndabaningi Sithole

Vakuru vakati “chitende chinorema ndechine mhodzi,” zvichireva kuti rukudzo rwunopiwa kumunhu kuburikidza nemabasa ake, kwete nechimiro chake.

Izvi ndizvo zvakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pazororo remagamba neMuvhuro svondo rino, kupa chiremera chegamba renyika kune vamwe vane nhoroondo yekurwira nyika vakambenge vasina kucherechedzwa, vanosanganisira VaNdabaningi Sithole avo vakashaya muna 2000 naVaJames Chikerema vakashaya muna 2006.

Vaviri ava ndevamwe vezvibwezvitedza zverwendo rwekutsvaga kuzvitonga kwezvizvarwa zveZimbabwe zvine nhoroondo isingafi yakadzimika.

Nekuda kwekupesana kwakanga kuripo pakati pemagamba aya nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevamwe muPolitiburo yeZanu PF , iyo inoshara magamba enyika, pavakashaya VaSithole vakaradzikwa kumusha kwavo kuChipinge, VaChikerema vachiradzikwawo kwavo.

Vana veZimbabwe vakawanda vakagara vachibvunza kuti sei VaSithole, avo vakave mutungamiri wekutanga webato reZanu, vakanyimwa chiremera chegamba renyika, zvimwechete naVaChikerema nemamwe magamba aive nemukurumbira munguva yehondo.

Magamba akaita saAmai Sheba Tavarwisa, avo vakave mumwe wemadzimai ekutanga kuve mukuru wemauto eZanu, eZANLA pamwechete naVaWilfred Mhanda, vaizivikanwa nerekuti Dzinashe Machingura, vaive mumwe wevanhu vakanyora chibvumirano cheMgagao Declaration uye vaive nhengo yeDare reChimurenga vari mumwe wevakuru wemauto eZANLA ndevamwe vanogarotaurwa nevanhu.

VaMnangagwa vakaratidza nyika kuti kana muri mundima muchisakura, atema dzinde haanyimwi sadza.

VaMnangagwa vakapawo chiremera chegamba renyika kuna Brigadier General Chrispen Masuku, VaRabelani Choeni, VaElliot Gwabe, Professor Sheunesu Mupepereki, VaGeorge Kahari, VaSaul Gwakuba Ndlovu, naVaStanley Matunhira.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mukuru wesangano reCentre for Natural resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti vanowirirana nedanho rakatorwa naVaMnangagwa iri, asi vachitikudomwa kwemagamba enyika kunofanirwa kuitwa zviri pachena kuchitariswa mabasa akabatwa nemunhu.

VaMaguwu vanoti nekuda kwekusarongeka kwehurongwa hwekudoma magamba, vakawanda vakasunungura nyika varere mumasango vasina kupiwa chiremera chavo, asi pamarinda emagamba enyika v=pachiiswa vamwe vanhu vasina nhoroondo inotevereka.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti kubva zvakapinda hurumende yaVaMnangagwa pachigaro, chinangwa chayo chikuru ndechekuteerera zvinotaurwa nevana veZimbabwe, zvinosanganisira iyo nyaya yekuti VaSithole nevamwe vaitwe magamba enyika, inove yaigara iri pamiromo yevazhinji.

Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG