Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mudzimai Akadirwa Muchetura weAcid neMurume Wake kuSouth Africa Owana Rubatsiro rweKurapwa muAmerica


Primrose Ruwocha
Primrose Ruwocha

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai anenge vachishungurudzwa rePhumulani Minnesota African Women Against Violence Muzvare Comfort Dondo vanoti vari kufara nekukwanisa kubatsira Muzvare Primrose Ruwocha avo vakadirwa muchetura weacid kumeso nemurume wavo vari kuSouth Africa kwavaigara vakatsva zvakaipisisa. Murume wavo Fungai Muriri ndiye ari kupomerwa mhosva yekuvadira muchetura muna 2020 uye anonzi ange ave nemakore akawanda achivashungurudza kubva zvavakatanga kudanna muna 2014.

Muzvare Dondo vati vabatsira muzvare Ruwocha kuti vawane rubatsiro muAmerica.

Muzvare Comfort Dondo
Muzvare Comfort Dondo

Vanoti vakawana rutsigiro kubva kune zvizvarwa zveZimbabwe pasi rose nechimwe chipatara chepamusoro cheMayo clinic chiri muMinnesota muAmerica chichange chichigadzirisa huso zvamuzvare Ruwocha mumavhiki anotevera.

Muzvare Ruwocha vakatowana mapepa avo ekufambisa nemusi weChipiri.

"Ndinofara kuti takawana rutsigiro rwakawanda kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri pasirose izvo zvakabatanidza mari kusanganisira rubatsiro rwachabva kuchipatara cheMayo clinic icho chichavarapa,"

Muzvare Dondo vaudza Studio7. kuti, "Shuwiro yedu ndeyekuti murume akavadira muchetura pavakarambana awanikwe achisungwa sezvo madzimai akawanda vari kushungurudzwa nekubhinyiwa pasina mutongo wakasimba unozotarisana nevanenge vaita izvi."

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG