Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Achakunda Musarudzo dzemuKenya?


VaWillian Ruto naVaRaila Odinga
VaWillian Ruto naVaRaila Odinga

Kuverengwa kwemavhoti kuri kuenderera mberi muKenya musarudzo dzemutungamiri wenyika dziri kukwikwidzanwa zvakasimba pakati paVaWilliam Ruto mutevedzeri wemutungamiri wenyika iyi naVaRaila Odinga.

Vari kuona nezvesarudzo veIndependent Electoral and Boundaries Commission vanoti vachaburitsa zita reanenge akunda kana mavhoti ose apera kuverengwa. Mukuru wekomisheni iyi VaWafula Chebukati vakurudzira vanhu kuti vamirire murunyararo kuverengwa kwemavhoti.

Idzi dzinogona kunga dziri sarudzo dzekupedzisira dzaVaOdinga kukwikwidza uye kave kechishanu vachipinda musarudzo dzekuva mutungamiir wenyika. VaOdinga vave nemakore makumi manomwe nemanomwe ekuberekwa.

Munhu anokunda musarudzo anotarisirwa kuti awane mavhoti anodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50%. Anokunda anofanirawo kuwana mavhoti zvikamu makumi maviri nemashanu kubva muzana mumatunhu makumi mana nemana pamatunhu makumi mana nemanomwe.

Zvimwe zvizvarwa zverudzi rwevashona kubva kuZimbawe zvakatamira kukenya makore makumi mashanu adarika zvakavhotawo kekutanga musarudzo dzemunyika iyi mushure mekupihwa magwaro ehugaro nemutungamiri wenyika ari kusiya basa VaUhuru Kenyatta.

MuKenya parizvino mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kuongorora sarudzo idzi.

Mumwe ari kuongorora sarudzo mutungamiri wesangano reWomen’s Academy for Leadership and Excellence Muzvare Stabile Dewa avo vaudza Studio 7 kuti vafara nekubatwa kwaitwa sarudzo muKenya kunyngwe paine zvimhingamupinyi zvishoma.

Vati havana havo kufara nekuti hapana mudzimia akwikwidza musaudzo dzemutungairi wenyika kunyangwe aoine vatatu vari kukwikwidza musarudzo sevatevedzeri vevatungamiri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG