Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken vari kutarisirwa kushanyira Congo ne Rwanda vhiki rino mushure mekushanyira South Africa nezuro.
Vachitaura vari muPretoria nezuro, VaBlinken vakati hurumende yavo inoda kudyidzana neAfrica pasina kutarisirana pasi.
Asi gurokota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa Amai Naledi Pandor vakashora mabatirwo anoitwa nyika dzemu Africa neAmerica vachiti nguva zhinji nyika idzi dzinotarisirwam pasi uye dzichimanikidzwa kuti dzitenderane nezvinenge hwaitwa neAmerica zvakadayi sehondo yeRussia neUkraine. Dzimwe nyika dzemuAfrica dziri kutsigira Russia izvo zvinopokana neAmerica.
Vachinyora padandemutande reTwitter munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vakati vanotenderana nemashoko aAmai Pandor.
Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti zvinofadza kuti VaBlinken vari kushanyira Africa sezvo zvicha simbaradza hukana hweAmerica nenyika idzi.
Facebook Forum