Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Vatungamiri veNyika Ndivo Vanotuma Vanodzivirira Nyika Kutyora Kodzero dzeVanhu


Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti nyaya dzekutyora kodzero dzevanhu dzinopomerwa mauto nemapurisa dzinokonzerwa nevatungamiri venyika vanenge vachivatuma.

Vachitaura neStudio 7 pazuva rekuremekedza vanodzivirira nyika, VaChamisa vati vamwe vatungamiri venyika ndivo vanoisa muchetura vobvongodza muto zvinopa kuti mauto anofanira kunge ari enyika agume ave kuita kunge ebato.

Vati mauto ndeevanhu uye hukama uhu hwagara huripo kubva kare chaiko kunyangwe munguva yavanaTshaka Zulu, Mzilikazi, Mwenemutapa kusvika muhondo yerusungunuko.

Mauto emunyika anoshorwa nevanorwira kodzero dzevanhu nekutungamira kupidigurwa kwehurumende yamushakabvu Robert Mugabe uye kupfura vanhu munguva yeGukurahundi, muna Nyamavhuvhu 2018 uye muna Ndira 2020 apo vanhu vairitidzira muHarare.

VaChamisa vati havo vanoremekedza basa guru rinobatwa nemauto mukudzivirira nyika kubva kuvavengi.

Vati sekuimba kunoita mauto, zvakakosha kuziva kuti nyika ndeyemunhu wose. Vati mashoko anovabata pakambo kanoimbwa nemauto aka anoti. “Tinoda Zimbabwe neupfumi hwayo hwose. Vana Mai nanaBaba ndimo mavari..Simuka Zimbabwe!”

VaChamisa vakurudzirawo mauto kuti aremekedze vatungamiri vanenge vasarudzwa nevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG