Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti veKunze Havangadzidzise Zimbabwe nezveHutongo Hwejekerere


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakaudza vanhu vainge vakaungana kumarinda eHeroes Acre muHarare kuti venyika dzekunze havafanire kuudza Zimbabwe zvekuita panyaya yehutongo hwejekerere.

VaMnangagwa vaitaura pazuva rekurangarira magamba enyika. Vakaenderera mberi vachiti nyika idzi hadzinawo kubatsira Zimbabwe kurwa hondo yerusungunuko. Mutungamiri wenyika akatiwo Zimbabwe inyika inoda runyararo isinganetsane nedzimwe nyika.

Vakatiwo ivhu harisi kuzofa rakadzoserwa kuvachena sezvo vakati iyi inhaka yevana veZimbabwe.

Mutungamiri wenyika akatiwo vamwe vakarwa hondo yerusungunuko vasina kuradzikwa kumarinda eHeroes Acre vakaita saVaNdabaningi Sithole naVaJames Chikerema vanofanira kuremekedzwa semagamba enyika kunyangwe vakazotsaudzira sezvinotaurwa nevamwe vatungamiri vebato reZanu-PF.

Asi vazhinji vasina kupihwa ruremekedzo rwekuva magamba vanhu vaiti nyika yananga kumawere pasi pehutungamiri hweZanu-PF.

Vachipawo pfungwa dzavo nezvezuva remagamba, mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vati zuva iri harifanire kutorwa serebato reZanu-PF asi kuti renyika.

Vachipawo pfungwa dzavo, mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition mubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga VaObert Masaraure vati zvakarwirwa zvakawanda hazvichatevdedzerwe nekudaro pave kuda kuti nyika idzoserwe mugwara.

Crisis in Zimbabwe iri kuchema chemawo nemitemo inonzi nevanorwira kodzero dzevanhu inotyora kodzero dzvevanhu. Asi hurumende inoti mitemo iyi yakakodzera kudzivirira nyika kune vekunze vanoda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG