Accessibility links

Breaking News

Kumanikidza Harare Kutenga Mushonga Kukambani Imwe Chete Kwoshaisa Vagari Mvura


Meya weHarare VaJacob Mafume

Meya weguta reHarare VaJacob Mafume vanoti kanzuru ine mari yekutenga mishonga yekuchenesa mvura asi kukambani kwavanosungurwa kutenga mishonga yacho nehurumende hakuna.

VaMafume vaudza Studio 7 kuti mimwe mishonga yatanga kupinda munyika nekudaro vanenge vokwankisa kupa vanhu mvura sezvinotatisirwa.

Hurukuro na vaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kanzuru yakazivisa kuti kutanga nemusi wechitatu svondo yainge isina mimwe mishonga nekudaro yainge yombomira kupa vagari mvura. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo kana mutevedzeri wavo Amai Marian Chombo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi vachipawo pfungwa dzavo mukuru werimwe sangano rinomirira vagari reHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vati zvekusungira kanzuru kutenga mishonga kukambani imwe chete hazvina nematuro ose.

Hurukuro naVa Precious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG