Accessibility links

Breaking News

Kubirira Sarudzo neKusunga Vanopikisa Raisava Donzvo reHondo yeRusungunuko: VaNelson Chamisa


VaNelson Chamisa, VaHopewell Chin’ono naVaJob Sikhala
VaNelson Chamisa, VaHopewell Chin’ono naVaJob Sikhala

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti Zuva reMagamba rakakosha zvikuru munhoroondo yenyika sezvo vakawanda vakafa nekukuvadzwa vachirwira rusungunuko.

Asi VaChamisa vaudza Studio 7 kuti vane kutsutsumwa kuti zvimwe zvakarwira zvave kukanganiswa nehurumende. Vati vari kushushikana nenyaya yekuti sarudzo hadzisi kufambiswa zvakanaka uye vanopikisa vachimbunyikidzwa nemapurisa.

Vapa muenzaniso nyaya yekusungwa kwenhengo dzebato ravo reparamende VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole nevamwe vakasungwa kuNyatsime munongedzo wekuti mutemo uchiri kutarisa kuti wabuda mumba maani.

Varamba zvinotaurwa neZanu-PF zvekuti vakatora nyika vanodzokera chimurenga kumashure, VaChamisa vavimbisa kugadziriasa nyika kuti munhu wose awane chouviri.

VaSikhala naVaSithole vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuda kukonzera mhirizhonga uye vari kunyimwa mukana wekubvisa mari yechbatiso nematare. Izvi zviri kuitika kunayngwe hazvo vanopikisa vari kuti nhengo dzeZanu-PF dzakabuda pamavhidhiyo dzichitaura nyaya yemhirizhonga dzisina kusungwa.

Mutauriuri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakaudza Studio 7 kuti hapana ainge amhan’ara. Asi pakamhana’rwa nyaya yemutsigiri weZanu-PF VaAbton Mashayanyika vaiti vaChamisa vapondwe musi wa27 Chikunguru, mutsigiri uyu haasati asungwa. Mapurisa akangoti achazoivisa nekufamba kwenguva.

Varamba zvinotaurwa neZanu-PF zvekuti vakatora nyika vanodzokera chimurenga kumashure, VaChamisa vavimbisa kugadziriasa nyika kuti munhu wose awane chouviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG