Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Nyamavhuvhu 8, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vataura nhasi kumarinda eHeroes Acre kuti Zimbabwe haingadzidziswe zvehutongo hwejekerere nenyika dzainge dzakaipamba vachitiwo vachawedzera vashandi vehurumende mari.

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti vanotenda magamba akafira nekusunungura nyika asi zvave kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa handizvo zvakaenderwa kuhondo vachiti nhengo dzebato ravo dziri kumbunyikidzwa zvakanyanya.

Tiri kuenderera mberi nehurukuro yedu negamba renyika uye nhengo yedare reChimurenga yoga yasara, VaRugare Gumbo avo vanoti havasi kufara nemamiriro aita zvinhu munyika.

Vagari vemuHarare nenzvimbo dzakapoteredza voramba vachishushikana nekushaya mvura ukuwo kanzuru ichiti haina mimwe mishonga yekuchenesa mvura.

Vashandi vemumigodhi vanoti hurumende ikasagadzirisa dambudziko remagetsi hupfumi huchagwadama.

Munyaya yezvehutano, tiri kutarisa nyaya yekushandiswa kwezvinodhaka zvokangaisa hutano hwevakawanda munyika.

Muchirongwa cheLive Talk na 8 pm nhasi, tiri kutaura nezveZuva reMagamba kana kuti Heroes Day

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG