Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Handivo Chete Vanofanira Kutungamira Nyika: Rugare Gumbo


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Vaimbova gurukota muhurumende uye mutauriri weZanu-PF vari murwiri wehondo yerusungunuko VaRugare Gumbo vanoti hapana chakaipa kuti vechidiki vatungamire nyika nekuti ndizvo zvakarwirwa hondo yerusungunuko.

VaGumbo vataura mashoko aya apo nyika iri kurangarira Zuva reMagamba kana kuti Heroes Day nemusi weMuvhuro.

VaGumbo vaudza Studio 7 kuti vakarwa hondo chaiwo havafanire kuti ivo ndivo chete vanofanira kutungamira nyika sezvinombotaurwa nevamwe vari muhutungamiri.

Vaendererawo mberi vachiti vanhu vemunyika vari kunonga svosve nemuromo vakati zvimwe zvacho zviri kukonzerwa nekutadza kutungamira nyika.

Vachitaurawo panyaya yataurwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mumwe akavamba bato reZanu-PF VaNdabaningi Sithole vapihwe ruremekedzo rwunopihwa magamba kunyangwe vachinzi vakazotengesa neveZanu-PF, VaGumbo vati vanotendererana nazvo asi vakati zvinofanira kuitwa kune mamwe magamba ehondo yeChimurenga.

Bato reZanu-PF rakavanyima chiremera chekuva gamba renyika VaSithole richiti vainghe vatsauka gwara remusangano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG