Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri Wenyika, VaMnangagwa, Vanopinda Musangano Wekuchengetedzwa Kwemasango eMiombo Woodlands Waitirwa kuMozambique.


Zimbabwe Mnangagwa
Zimbabwe Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vapinda musangano wenyika dzekuchamhembe kweAfrica wanga uri pamusoro pekuchengetedzwa nekuvandudzwa kwebudiro yemasango eMiombo Woodlands, waitirwa kuvari muguta reMaputo, kuMozambique.

Chinangwa chemusangano wemazuva maviri uyu changa chiri chekutaura pamusoro pemasango ari munyika dziri pasi pemubatanidzwa weSADC, kuchengetedzwa kwawo, nekutsvaga nzira dzekuvandudza zviwanikwa munyika idzi.

VaMnangagwa vanotarisirwawo kuita nhaurirano nemutungamiri weMozambique, VaPhillipe Nyusi, pane dzimwewo nyaya dzinobata nyika dzavo, zvikurusei nyaya yekuti Zimbabwe itenge magetsi kubva kuMozambique.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, asi bazi rekufambiswa kwemashoko razivisa padandemutande raro reTwitter kuti VaMnagagwa vakasvika zvakanaka kuMozambique, uye vapinda musangano uyu.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheTswaane University of Technology, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mkonza, vanoti Zimbabwe neMozambique dzine nhoroondo yeukama hunobva kure, kumazuva ehondo yeChimurenga, asi havaoni kuine chinobuda panyaya yemagetsi.

Hurukuro na Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG