Accessibility links

Breaking News

Mazana eVanhu Anoungana muBulawayo Amphitheater paMunamato weKuonekana neNyanzvi yeMitambo neMafirimu Cont Mhlanga


Cont Mhlanga

Mazana evanhu vabva kumatunhu akasiyana siyana enyika vanosanganisira makurukota ehurumende, vezvemitambo nevaimbi, vanagwenyambira navanamuzvinabhizimisi vaungana paBulawayo Amphitheater muguta reBulawayo pamunamato wekuonekana nanyanduri aive nemukurumbira uye ari mukuru weAmakhosi Theatre, Cont Mhlanga.

Mhlanga, uyo aizivikanwa zvikuru munyaya dzekunyora mitambo nemafirimu pamwe nekusimudzira vechidiki munyaya dzemitambo, akashaya nemusi weMuvhuro ari mune chimwe chipatara makare muBulawayo.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, nemudzimai wavo Muzvare Miniyothabo Baloyi, vaendawo kunobata mhuri yaMhlanga maoko kumba kwake kuNguboyenja.

VaChiwenga vaperekedzwa negurukota rinoona nezvedunhu reBulawayo, Amai Judith Ncube, pamwe nevamwe vakuru vemauto.

Vatauri vakawanda vaungana pachiitiko ichi vapembedza mabasa akaitwa naCont vachiti vende raasiya richanetsa kuvhara.

Mumwe ataurawo pagungano iri mutevedzeri wegurukota rezvemitambo netsika, VaTino Machakaire, avo vatenda hurumende nekubatsira kwayakaita mhuri yaMhlanga nekupa rutsigiro rwekuchengetwa kwake.

Mashoko AvaTino Machakaire.
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe akashandawo naCont, ari mutauriri webato reZAPU VaMsongelo Ndhlovu, vati Mhlanga aimira zvakanyanya mukurwirwa kwekodzero dzevanhu vekuMatebeleleland, zvikuru sei munyaya dzeGukurahundi, apo panonzi pakadeurwa ropa rakawanda.

Hurukuro naVaMsongelo Ndhlovu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanduri ane mukurumbira nenhetembo dzaanoita, Abel Mauchi, atsinhira mashoko aVaNdlovu achiti vende rasiiwa nemufi richanetsa kuvhara.

Cont anotarisirwa kuradzikwa neMugovera kumusha kwake kuLupane.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG