Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Nyamavhuvhu 05, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mazana evanhu anoungana muBulawayo Ampitheatre pamunamato wekuonekana nenyanzvi mune zvemitambo netsika uye akavamba Amakhosi Cultural Centre, Continueloving Mhlanga, uyo akashaya nemusi weMvhuro ave nemakore makumo matanhatu nemana ekuberekwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vari kuMaputo guta guru reMozambique, kumusangano wakanangana nekuchengetedzwa kwesango reMiombo Forest, uye vari kutarisirwawo kutora mukana uyu kuita nhaurira dzekuti nyika iwaniswe magetsi kubva kuMozambique.

Nhengo mbiri dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, Vajob Sikhala naVaGodfrey Sithole, vanonzi vadzoke zvakare kudare musi wa 15 mwedzi uno pachikumbiro chavo chekuti vasaramba vari muhusungwa panyaya yavari kupomerwa yekukurudzira mhirizhonga.

Vagari vemuBulawayo vochemachema kuti vave nemazuva anodarika masvondo maviri vasina mvura, kanzuru ichiti iri mushishi kugadzirisa dambudziko iri.

Zimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company inozivisa nezvemitengo mitsva yemagetsi kutanga nemusi weChitatu svondo rino.

Mwaka wenhabvu ye English Premier League unotanga nhasi panguva iyo makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League anomboenda pazororo achipa mukana kumakundano emukombe weChibuku Super Cup.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00pm, nhasi tiri kutarisa nezvemabasa akabatwa neaive nyanzvi mune zvemitambo netsika, uye akavamba Amakhosi Theatre, Cont Mhlanga, uyo akashaya neMuvhuro svondo rino ave nemakore makumi matanhatu nemana ekuberekwa. Cont anotarisira kuradzikwa mangwana kumusha kwake kuLupane.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG