Accessibility links

Breaking News

VaMasaraure Vopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


VaObert Masaraure

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmlgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ VaObert Masaraure vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavange vachipomerwa yekuzvidza dare.

VaMasaraure vakasungwa mushure mekunge vapihwa chibatiso pane imwe mhosva yavakasungwa vachipomerwa mhosva yekuponda imwe nhengo yesangano ravo VaRoy Issa muna 2016. Asi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

Dare ramejastiriti rakamboita ongororo rikati VaIssa vainge vadonha kubva mumudurikidzwa wechinomwe muhotera yeJameson Hotel.

Mutevedzeri waVaMasaraure Muzvare Christine Kayumba vaudza Studio 7 kuti vafara zvikuru nekuburitswa mutirongo kwaVaMasaraure.

Hurukuro na Muzvare Cathrine Kayumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta raVaMasaraure vanova nhengo yesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaTapiwa Muchineripi vaudza Studio 7 kuti mutongi wedare repamusoro VaRodgers Manyangadze vati VaMasaraure vabvise mari yechibatiso inosvika madhora zviuru makumi mashanu kana kuti ZWL50, 000 uye vaende kunozvipira kumapurisa kamwe chete mumavhiki maviri.

Hurukuro naVaTapiwa Muchineripi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG