Accessibility links

Breaking News

Kanzura Kambarami Vonzi neDare rePamusoro Vadzokere paBasa kuBulawayo


VaTinashe Kambarami
VaTinashe Kambarami

Dare repamusoro reHigh Court rapa mutongo wekuti kanzura Tinashe Kambarami vaimbenge vamiswa basa rekuva mutevedzeri wameya weBulawayo vachipomerwa mhosva dzehuori uye vachinzi vainge vadzingwa kuva kanzura nebato reMDC- T rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora vadzokere pabasa.

Mutauririwe MDC- T VaWitness Dube vati vange vasati vaona mutongo wacho. Asi vati panogona kuitazve mutaura sezvo pange pave nemumwe mutevedzeri wameya VaMlandu Ncube.

Kunyangwe dare repamusoro soro reSupreme Court rainge rachenura VaKambarami, kanzuru yeBulawayo yange ichitsika madziro kuti vasadzokere pabasa. VaKambarami vaudza Studio 7 kuti izvi ndizvo zvakapa kuti vadzokere kumatare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG