Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vonoti Havaoni Mashoko eZHRC eKuti veZvematongerwo eNyika Vasiyane neMhirizhonga Achiteverwa neVemamwe Mapato


Zimbabwe Human Rights Commission
Zimbabwe Human Rights Commission

Panguva iyo mamwe masangano akazvimirira ari kuti munyika matotanga kuonekwa mhirizhonga yezvematongerwo enyika pamberi pesarudzo dza2023, komisheni inoona nezvesarudzo dzevanhu munyika, yeZimbabwe Human Rights Commission (ZHRC) iri kukurudzira kuti munyika musave nemhirizhonga.

Nemusi weChipiri svondo rino takanzwa komisheni iyi ichikurudzira vezvematongerwo enyika kuti vasiyane netsika yekukurudzira mhirizhonga kanawo kumbunyikidza kodzero dzevamwe, ichiti kuita kwakadai kunokanganisa budiriro yehupfumi hwenyika.

Asi vezvematongerwo enyika vanoteerera here mashoko aya, kana kuti ndavana Zvimitimunzeve?

Vemapato anopikisa, zvikuru vebato reCitizens’ Coalition for Change, vari kuchema kuti vari kushungurudzwa nenhengo dzeZanu PF pamwe nemapurisa asi hapana matanho ari kutorwa ekuvachengetedza sezvinokurudzirwa nemutemo.

Nhengo dzeCCC kumatunhu eMashonaland West neMashonaland Central dzinotiwo dziri kumanikidzwa kusarenda nhumbi dzebato radzo, dzimwe dzichiti dziri kumanikidzwa kupinda misangano yeZanu PF.

Mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti mashoko eZHRC aya akanaka kwazvo kuaona pabepa, asi haazombofi akashanda kumisa mhirizhonga munyika sezvo asingateererwi nebato riri kutonga reZanu PF.

VaNgarivhume vari kupomerawo mapurisa mhosva yekushandisa mutemo achitarisa kuti munhu abuda mumba maani, vachipa muenzaniso wenhengo yeZanu PF yekuMberengwa, VaAbton Mushayanyika, avo vanonzi vakabuda pamavhidhiyo vachikurudzira kuti mutungamiri webato reCCC, VaNelson Chamisa vapondwe, asi nanhasi havasati vasungwa.

Ukuwo nhengo dzeCCC dzinosanganisira VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole dziri kuChikurubi dzichipomerwa mhosva yekurudzira mhirizhonga.

Asi nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti hapana chakaipa pamashoko eZimbabwe Human Rights Commission, vachiti nhengo dzemapato anopikisa ndidzo dziri kutokonzera mhirizhonga sezviri kuonekwa nekusungwa kwenhengo dzebato reCitizens Coalition for Change, VaJob Sikhala neGodfrey Sithole nevamwe, avo vari muhusungwa vachipomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga.

Hurukuro naVaJacob Ngarivhume pamwe naVaGibert Muponda
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG