Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe, VaTrinity Dhliwayo, Voendesa Mberi Mabasa Avo eMaoko Vari muAmerica


Chizvarwa cheZimbabwe, VaTrinity Munyaradzi Dhliwayo , vanozvikanwa zvakare saDJ Olomatete
Chizvarwa cheZimbabwe, VaTrinity Munyaradzi Dhliwayo , vanozvikanwa zvakare saDJ Olomatete

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muLancaster mudunhu rePennsylvania, VaTrinity Munyaradzi Dhliwayo, vari kuratidza dudziro yemashoko ekuti "hapana chinoramba kana chakaitwa nemwoyo wese" zvichionekwa nezvavari kuita kubva zvavapinda muAmerica muna 2018.

VaDhliwayo, avo vanobva kwaChakohwa kwaMutare, vanoti vakaberekerwa kuMberengwa.

Vakapinda muAmerica muna 2018 vakati zvekurara nezamu mumukanwa kwete, vachibva vaenderera mberi nekuita mamwe emabasa avaisiita vachiri kumusha akaita sekuvaka, zvakazosvitsa pakuti vavhurewo kambani yavo yekuvaka, inonzi Mashonaland Construction Company, zvakawanisawo vamwe vanoshandira kambani yavo mabasa.

VaDhliwayo vanoti havana nguva yekuti vakazororora sezvinoita vamwe nekuti panonzi nevamwe vakazorora mukupera kwesvondo, ivo vanenge vachitonoshanda vachitandadza vanhu, zvikuru vana veZimbabwe vari mudunhu ravo rePennsylvania pamwe nematunhu akapoteredza akaita seDelaware, Maryland, New Jersey neVirginia vachiridza mimhanzi mumabiko kana mhemberero kwavanokokwa kuzoridza.

Mune zvemimhanzi, VaDhliwayo vanozivikanwa nerekuti DJ Olo Matete.

Kambani yekuvaka yeMashonaland Construction yaVaTrinity Munyaradzi Dhliwayo
Kambani yekuvaka yeMashonaland Construction yaVaTrinity Munyaradzi Dhliwayo

Nekambani yavo yeMashonaland Construction, vanoti vanonyanyobata mabasa ekugadziridza dzimba, kunyange hazvo vachiti mavakirwo edzimba dzekumusha asiyana nemavakirwo edzimba dzemuAmerica, asi havana zvavo kuita dambudziko rekukwanisa kuvaka dzimba dzemuAmerica.

Nekuona kukura kwedambudziko rezvinodhaka mune vechidiki vari kumusha, VaDhliwayo vakabatsira mukuumba chikwata chemitambo chevechidiki chinonzi Coconut Entertainment chiri mumusha weKambuzuma muHarare.

Izvi zvinonzi zvakabatsira vechidiki ava mukuvabvisa mumigwagwa vachiwana chekuswera vachiita, uye kuzviwanirawo mapeni.

Vanobatsirawo zvakare kubhadharira mari dzechikoro kune vana vanoshaya, kubatsira nezvipfeko pamwe nezvimwe zvakasiyanasiyana zvinodiwa kuzvikoro.

Mumabasa avo, VaDhliwayo vanoti vanosanganawo nezvimhingamipinyi zvakawanda zvinosanganisira rwavanoti rusaruraganda pakuwaniswa mabasa ekuvaka kwekambani yavo, uyewo kuti vamwe vavanenge vaitira mabasa vanenge vasingazoda kubhadhara.

Kudivi remimhanzi, vanoti vanosanganawo nedambudziko rekumanikidzwa kuderedza ruzha rwemhanzi, zvikuru kana vachiridzira mudzimba zvichikonzerwa nevamwe vavakidzani vanenge vanyunyuta vogumisira vadaidza mapurisa.

DIASPORA PROFILE-DJ MUNYA-SHO-JONGA 03 AUG 2022 (WEB VERSION).wav
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG