Bato reZanu raburitsa mashoko richishora kushanya kwemutauriri wedare reHouse of Representatives muAmerica Amai Nancy Pelosi kuTaiwan.
Mashoko aya aburitswa nemutauriri webato iri VaChris Mutsvangwa vachiti America iri kuda kusvokosva China. Rwendo rwaAmai Pelosi rwuri kushorwa zvikuru neChina iyo inotora Taiwan sedunhu rayo. China yange ichishora rwendo rwaAmai Pelosi ichiyambira kuti mauto ayo anogona kutora matanho aisina kutaura.
Asi Amai Pelosi vaudza vatori venhau kui rwendo urwu rwange rwakakosha sezvo vange vachida kuratidza musiyano pakati pehutongo hwejekerere nehwekumbunyikidza vanhu nekutonga nedemo.
Vati Taiwan iri kuratidza chaedza mudunhu iri kwete zviri kuitwa kuChina. Amai Pelosi nechikwata chavo vakasvika muTaiwan nemusi weChipiri vakasimuka nhasi Chitatu.
Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko Zanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti America inoda kukonzera kusagadzikana pasi rose.
Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party Doctor Wurayayi Zembe vaudza Studio 7 kuti Zanu-PF haifanire kutaura yakamirira nyika yose vachiti pane mutsauko pakati pebato rimwe chete neZimbabwe.
Facebook Forum